Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoronga Zvakare Kukwereta IMF Mari


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, riri kutumira nhumwa dzaro munyika svondo rino kuzoongorora chirongwa cheStaff Monitored Progam.

Chirongwa ichi chakatenderanwa gore rapera kuti Zimbabwe ibatsirwe ne IMF kuti imutsiridze hupfumi hwayo.

Vamwe vakuru mubazi rezvemari vanoti gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vachayedza zvekare kukumbira imwe mari yechikwereti kubva kuIMF.

Asi IMF inoti Zimbabwe inofanira kutanga yabhadhara zvikwereti zvayo isati yatanga kukwereteswa imwe mari.

Vachiparura hurongwa hwavo webhajeti yepagore, VaChinamasa vakati Zimbabwe ine chikwereti chinosvika mabhiriyoni manomwe nemazana masere ezviuru zvemadhora.

Asi VaChinamasa vanoti havana mari yekubhadhara zvikwereti.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaJohn Roberston, vanoti IMF haisi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika nekuti Zimbabwe iri kutadza kugadzirisa zviga zvayakatenderana ne IMF.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti Zimbabwe haina chayakwanisa kuita mukugadzirisa hupfumi nenyaya yekunetsana kwakanyanya kwoitika muZanu-PF nekuda zvigaro.

Hurukuro naVaGodfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG