Accessibility links

Breaking News

VaMadhuku Vanoti Kwete kuMubatanidzwa weMapato


Va Lovemore Madhuku
Va Lovemore Madhuku

Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, NCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti havana hurongwa hwekupinda mumusangano uri kurongwa nevemachechi nemapato akazvimirira oga kana kuti National People’s Convention kana chinangwa chawo chiri chekuda kuzoumba bato rezvematongerwo enyika.

VaMadhuku, avo vanodzidzisa mitemo pa University of Zimbabwe, vanoti pari zvino vari muchirongwa chekuumba bato ravo mbune pari zvino.

VaMadhuku vanoti sebato vakatarisa kupinda zvine mutsindo musarudzo dzemuna 2023. Asi vanoti nekutadza kutonga kweZanu-PF, zvinogona kuchinja vonyanyosimbisa kuita mutsindo pasarudzo dza 2018.

Muzvinafundo Madhuku vanoti rwendo rwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuChina kutanga kwemwedzi uno rwaive rwakanangana nekubata vanhu kumeso sezvo pasina chinobatika chinotarisirwa kubva kuChina.

Hurukuro naVaLovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG