Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaZuma Voyedza Kugadzirisa Zvanetsa kuLesotho


Presidents Mugabe and Zuma
Presidents Mugabe and Zuma

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC vari kuisa misoro pamwe chete vachiyedza kugadzirisa dambudziko rekuLesotho uko kune mauto ari kunzi akapidigura hurumende yenyika iyi nechisimba neMugovera.

VaMugabe ndivo sachigaro weSADC, VaZuma variwo sachigaro webazi reSADC rinoona nezvekudzivirirwa kwedunhu pamwe nezvematongerwo enyika.

Mutungamiri wehurumende yeLesotho, VaThomas Thabane, vakapotera muSouth Africa mushure merunyerekupe rwekuti vaida kuitwa kafiramberi nemauto.

Zvinonziwo mauto ekuSouth Africa ehunyanzvi hwemhando yepamusoro soro ndiwo akazovanunura kubva mukanwa mamupera.

Asi mutauriri mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, VaClayson Monyela, vanoti mashoko aya handi echokwadi.

VaMugabe vakatumira gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi, uye gurukota rezvekunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, kuSouth Africa kuti vanozeya nyaya iyi.

VaMumbengegwi vakapinda mumusangano weSADC Troika neSvondo.

VaZuma neMuvhuro vakaitawo musangano naVaThabane muJohannesburg.

Vakuru vemuLesotho vanoti VaZuma vakati nyaya yekutumira mauto pari zvino imbomiswa asi vakavimbisa kutumira vaongorori veSADC kuLesotho.

Nyanzvi munyaya dzezvekudzivirirwa kwenyika vachitungamira sangano reAfrican Public Policy Research Institute, VaMartin Rupiya, vanoti nyaya iyi inoda kuti igadziriswe nechimbi chimbi.

Hurukuro naVaMartin Rupiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG