Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai muZanu PF Oda Amai Grace Mugabe Kutungamira Women's League


MuZanu-PF munonzi hamuchina kugadzikana zvakanaka zvikuru zvichitevera danho rakatorwa nedzimwe nhengo dzeWomen's League rekuti vave kuda kuti mudzimai wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe, vatungamire sangano remadzimai mubato iri.

Dunhu reMatabeleland South rakatozivisa kuti riri kutsigira danho iri.

Danho iri rakatorwa kupurazi raAmai Mugabe kuMazowe neMugovera nemadzimai akaungana achipemberera bhavhudhe ravo.

Asi Amai Mugabe vanoti vari kumbozeya nyaya iyi vasati vatora danho.

Vamwe vanoti danho rekuda kusimudzira Amai Mugabe rakanangana nemakakatanwa ekuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe mubato kana vachinge vasisispo.

Pari zvino muZanu-PF mune kunetsana kunonzi kwagara kuripo pakati pechikwata chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joyce Mujuru, nechimwe chinonzi chinotsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi vaviri ava vanoti havana zvikwata zvavanotungamira.

Amai Mujuru havana kuenda kuMazowe kumusangano weMugovera. Asi mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti Amai Mujuru havaisungirwa kuva pamusangano uyu.

Sachigaro wesangano remadzimai muZanu PF, Muzvare Oppah Muchinguri, vakaendawo kumusangano uyu, uyo wakakurudzira kuti Amai Mugabe vaitwe sachigaro wemadzimai.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raMuzvare Muchinguri panyaya iyi.

Hazvina kujeka kuti Amai Mugabe vachatora sei chigaro ichi sezvo mitemo yakadzikwa nebato yekuti munhu akwikwidze pakongiresi yebato isingavatenderi.

Hazvinawo kujeka kuti Muzvare Muchinguri vachada kukwikwidza chigaro chipi ndokana ivowo vachitsigira Amai Mugabe kuti vave mukuru wemadzimai.

Mutauriri webato, VaRugare Gumbo, vanoti Politiburo yebato ndiyo ichazeya nyay iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti semaonero avo, Amai Mugabe vanoda kuchengetedza hupfumi hwemhuri yavo, uye izvi vanozviita chete kana vakapinda munyaya dzematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG