Accessibility links

Breaking News

Britain Yodoma Mumiriri Mutsva kuZimbabwe


Ambassador Catriona Liang
Ambassador Catriona Liang

Bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain neChitatu rakadoma mumiriri waro mutsva ku Zimbabwe.

Vadomwa ndi Amai Catriona Wendy Campbell Laing avo vari kutsiva Amai Deborah Bronnert avo vave kuenda kune imwe nyika isina kudomwa.

Amai Laing vari kutanga basa muna Gunyana. Amai Laing vakashanda munyika dzakaita se Botswana, Kenya, Sudan neSomalia uye inyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Vachitaura nezvekudomwa kwavo, Amai Laing vati vari kutarisira kusimbisa hukama pakati peBritain neZimbabwe.

Hukama uhu hauna kumira zvakanaka pari zvino kunyange hazvo European Union yambobvisa zvirango zvakati wandei zvange zvakatemerwa vakuru vakuru muZanu PF pamwe nemakambani ane chekuita nevakuru ava.

Zimbabwe inoti zvirango zvakauya nekuti yakatora minda kubva kuvachena ichiigovera kuvatema.

Asi Britain inoti zvirango zvakaiswa nekuda kwekutyora kodzero dzevanhu uye kubirira sarudzo kunoitwa neZanu-PF.

Zimbabwe inoti Britain inofurira nyika dzemu EU kuti dzirambe dzakaitemera zvirango. Asi Britain inoti izvi ndezvemugotsi matsuro.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaClifford Mashiri, avo vaimboshandisa kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe idyidzane ne Britain asi hurumende yeZanu-PF inoda kuita mugarandega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG