Accessibility links

Breaking News

South Africa Yotsenga Mukanwa paNyaya yeMapepa


Gurukota rinoona nezvemukati menyika mu South Africa, VaMalusi Gigaba, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvinofanirwa kumira nemoyo murefu kudzamara hurumende yatora matanho panyaya yemagwaro.

VaGigaba vataura mashoko aya mudare reparamende reSouth Africa neChipiri kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakapihwa mvumo yekugara nekushanda munyika iyi muna 2010 pasi pechirongwa che Special Dispensation zvichaudzwa zvekuita mapepa avo asati apera muna Zvita gore rino.

VaGigaba, avo vange vachiparura bhajeti rebazi ravo, vati danho richatorwa nehurumende yeSouth Africa richariburitsa muna Nyamavhuvhu.

Asi pane kunetsana muparamende yeSouth Africa kuti hurumende yotora danho ripi. Vamwe mudare iri vari kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidzoserwe kumusha asi vamwe vari kuramba.

Vachipawo humbowo mudare reparamende neChipiri, vanoona nezvehuhwandu hwevanhu muSouth Africa, VaPali Lehohla, vatiwo zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zvakawandisa pane zvizvarwa zvedzimwe nyika zviri munyika iyi.

Vati izvi zviri kubuda mumagwaro ane bazi ravo. Vati pavanhu vakapihwa mapepa ekugara muSouth Africa, kana kuti Permanent Residence, zvikamu makumi maviri nezvipfumbamwe kubva muzana, zvizvarwa zveZimbabwe.

Vatiwo pane vakapihwa mapepa ekufanogara kana kuti Temporary Residence, zvikamu gumi nepfumbamwe kubva muzana, zvizvarwa zveZimbabwe.

Asi vati havana huwandu hwevanhu vari kugara zvisiri pamutemo munyika iyi.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reZimbabwe Migrants Association, VaDaniel Muzenda, vanoti vanhu vari kutiza munyika nekusamira zvakanaka kwehupfumi.

Vakawanda muSouth Africa vanoti kusabuda pachena zvakajeka kweSouth Afriva panyaya iyi kuri kusiya vakawanda vemuZimbabwe vasina kugadzikana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG