Accessibility links

Breaking News

Africa Youmba Dare Rayo reDzimhosva


Kenyatta Kenya
Kenyatta Kenya

Pamusangano mukuru wavakaita ku Malabo, Equtorial Guinea, vatungamiri venyika dzemuAfrica vakabuda nechisungo chekuti vatange dare ravo rinonzi African Court of Justice and Human Rights vachiti havasi kufara nedare reInternational Court riri kuHague.

Africa inoti dare iri riri kushandiswa nenyika dzakaburira se America ne Britain mukudzvinyirira vatungamiri venyika dzemuAfrica.

Pavanhu vari kutongwa kudare iri vazhinji vacho vari kubva kuAfrica.

Mutungamiri weKenya, VaUhuru Kenyatta, pamwe nemutevedzeri wavo, VaWilliam Ruto, vari kutongwa kudare iri nenyaya yemhirizhonga yakaitika pasarudzo dzemuna 2007.

Asi dare remuAfrica iri risati rambotanga kushanda, pabva patanga mutauro wakanyanya sezvo vatungamiri ava vakabvumiranawo kuti hapana mumwe wavo anofanira kumiswa pamberi pedare iri kana achiri muhofisi chero nenyaya ipi zvayo kusanganisira dzekuponda vanhu.

Izvi zviri kushorwa zvakanyanya nevamwe vanhu vakaponderwa hama dzavo muAfrica izvo zvakapa kuti pazoumbwe dare reInternational Criminal Court vachiti zichapa kuti vanhu vakawanda vapondwe.

Gweta uye vari nhengo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanioti vanowirirana nedanho revatungamiri vemu Africa.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti zvaotwa nevatungamiri vemuAfrica hazvina nematuro ose.

XS
SM
MD
LG