Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari vemuHarare Voronga Kuendesa Kanzuru kuMatare neNyaya yeMitero


manyenyeni
manyenyeni
Sangano reHarare Residents Trust rinoti riri kuzoenda kumagweta kuti ripikise zviri kuitwa nekanzuru zvekuronga kuendesa kumatare vagari vari kunzi vane zvikwereti kukanzuru.

Kanzuru yeHarare inoti vagari, vemabhizimisi, hurumende nemakanzuru akaitenderedza akaita seNorton, Ruwa neChitungwiza ainotengesera mvura vose vane zvikwereti zvinosvika mamiriyoni zana nemana emadhora.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaLeslie Gwindi, vanoti vamwe vave negore vasina kubhadhara uye kanzuru yatotanga kuvatumira matsamba ekuti vabhadhare.

Kanzuru inoti pamwedzi inopa vanhu mabhiri emari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemana emadhora asi iri kuwana mamiriyoni madhora gumi neimwe chete.

Meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti kusabhadhara mitero kwekupa kuti vasakwanise kuita basa rekugadzirisa zvinonetsa muguta.

Vanoti vanhu vachiri kufunga kuti vakasabhadhara vachakanganwirwa zvikereti sezvakaitwa munguva yesarudzo gore rapera.

Asi mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti huori ndiwo huri kupa kuti kanzuru itadze kuita basa uye vati vagari ngavambomire kubhadara mitero.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro werimwe sangano revagari vemuHarare reCombined Harare Residents Association, VaSimbarashe Moyo, vanoti vanhu ngavabhadhare mitero yavo kuti guta rifambire mberi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG