Muvhuro, Kubvumbi 27, 2015 Local time: 02:14

Nhau / Africa

NCA Youdza Hurumende Kuti Ipe Vanhu Mwedzi Miviri Yekuzeya Bumbiro Idzva

Professor Lovemore MadhukuProfessor Lovemore Madhuku
x
Professor Lovemore Madhuku
Professor Lovemore Madhuku
Thomas Chiripasi
Sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu, reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kupa zvizvarwa zveZimbabwe mwedzi miviri yekuti zviwongorore gwaro rebumbiro remitemo rakanyorwa richitungamirwa nekomiti yeparamende, yeCOPAC, pasati paendwa kureferendamu.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda wesangano ravo muHarare neChipiri, sachigaro veNCA, Va Lovemore Madhuku, vati zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kupihwa mukana wekuti zvizeye zviri mugwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika pasati paitwa referendamu vachiti nguva iri kutaurwa nevamwe vari muhurumende kuti referendamu inogona kuitwa mwedzi unouya kana muna Kubvumbi, ishoma zvikuru.

NCA inotiwo hurumende inosungirwa kuisa gwaro iri mundimi dzakasiyana siyana dzinotaurwa munyika kuitira kuti veruzhinji vanzwisise zviri mugwaro rebumbiro iri.
VaMadhuku vati mutemo wePublic Order and Security Act unofanirwa kusendekwa parutivi kuitira kuti vanhu vadzidziswe nezvegwaro rebumbiro iri vakasununguka.

VaMadhuku, avo vanova zvakare muzvinafundo munyaya dzebumbiro remitemo pa University of Zimbabwe, vati vachaenda kumatare edzimhosva kana zvizvarwa zveZimbabwe zvisina kupihwa mwedzi miviri yekuti zviwongorore zviri mugwaro rebumbiro iri.

Vati sangano ravo riri kuda kuti veruzhinji varambe bumbiro rakanyorwa richitungamirwa neCOPAC vachiti bumbiro iri harina  kunyorwa nenzira kwayo uye rinopa masimba akawandisa kumutungamiri wenyika.

VaMadhuku vati sangano ravo richashanda nemamwe masangano anoshanda akazvimirira pamwe nevadzidzi kuti bumbiro iri rirambwe neveruzhinji.

VaMadhuku vati sezvo sangano ravo risina mari yekuita misangano mikuru neveruzhinji, vachapinda mudzimba dzevanhu vachivakurudzira kuti varambe bumbiro iri.

Kubva pakatanga kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika neCOPAC makore mana apfuura, NCA yakagara yataura kuti haisi kuzotsigira bumbiro iri ichigunun’una kuti mapato ezvematongerwo enyika haafanirwe kunge achitungamira chirongwa ichi.

Mapato ese ari muhurumende yemubatanidzwa anoti achatsigira gwaro rebumbiro idzva iri pachaitwa referendamu.

Muna  2000 sangano iri, richitsigirwa neMDC, rakakurudzira veruzhinji kuti varambe gwaro rebumbiro idzva rakanga ranyorwa rikazopedzisira rarasa zvakanga zvabva muvanhu, izvo zvakaita kuti risatambirwe pareferendamu yekutanga kubva Zimbabwe yatanga kuzvitonga muna 1980.

You May Like

Zvikwangwari Zvakaiswa neZanu PF Zvinobviswa muHarare

Bepanhau reZimbabwe Independent rinoti rakashanyira nzvimbo iyi neChina rikaona kuti zvikwangwari zvaive nemazita emigwagwa aya akanga abviswa. Onai zvimwe

VaBhasikiti Voruma Nzeve VaMugabe Zviri Kuitwa naAmai Mahofa kuNuanetsi Ranch

Amai Mahofa vakaudza Studio7 svondo rapera kuti mhuri zviuru makumi maviri dzichabviswa kuNuanetsi Ranch dzichiendeswa kumapurazi manomwe akatsvagwa nehurumende. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Caps United Yotarisana neNguva Yakaoma

Chikwata cheCaps United chatarisana nemimwe miyedzo yemari apo mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League iri kusvika mumitambo mitanhatu. Onai zvimwe

Vagari Voramba Hurongwa hweKanzuru yeMutare

Vagari vekwaMutare vari kutsika madziro vachiti havasi kuzotambira hurongwa hwekanzuru yeguta ravo hwekuda kuti vagari vatange vabhandara mvura yavanoshandisa vasati vaishandisa mvura yacho. Onai zvimwe
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French.
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

Facebook