Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopembedza ZEC Panyaya yaVaGono


VaGideon Gono
VaGideon Gono

Dzimwe nyanzvi dzemitemo dzinoti danho rakatorwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rekurambidza vaimbove gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, kutora chinzvimbo chaseneta weBuhera chakasiiwa namushakabvu VaKumbirai Kangai, riri pamutemo.

Gweta rinombomirira mumatare mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaTerrence Hussein, vanoti chingangoitwa nebato reZanu PF sezvo riine huzhinji muparamende kushandura bumbiro remitemo kuitira kuti rikwanise kutambira VaGono senhengo yedare reseneti.

VaHussein vanotiwo chimwe chinogona kuitwa naVaGono kukwirira ZEC kumatare vachipikisa danho iri. Asi vanoti izvi zvinogona kuzotora nguva yakarebesa pane iri kutarisirwa kunge nyaya iyi yagadziriswa.

Sachigaro veZEC, Amai Rita Makarau, vakazivisa sachigaro weZanu PF, VaSimon Khaya-Moyo, kuti VaGono havaikwanisa kuve seneta weBuhera sezvo vasina kumbobvira vanyoresa kuvhota semugari wedunhu reManicaland.

VaGono vakazozama kunyoresawo semuvhoti muHarare musi wa 5 Zvita gore rapera, asi danho iri rakarambwa zvakare neZEC ichiti nguva yekunyoresa yakanga yapfuura kare musi wa 10 Chikunguru wegore rapera.

Mutsamba yavo yekuzivisa Zanu PF danho rakanga ratorwa neZEC, Amai Makarau vakaratidza kuti komisheni yavo yakasungwa mbira dzakondo nemitemo yenyika, nokudaro havana zvavanokwanisa kuita zviri kunze kwemitemo yesarudzo.

Rimwe gweta rinomirira nyaya mumatare eHigh Court pamwe neSupreme Court, Advocate Tawanda Zhuwarara, vanotiwo vanowirirana nemaonero aVaHussein ekuti ZEC yakaita zviri pamutemo kurasa chikumbiro cheZanu PF chekuti VaGono vatore chigaro chaseneta weBuhera.

Asi VaZhuwarara vanoti kana dai Zanu PF ikashandura bumbiro remitemo yesarudzo, VaGono vanogona kutadza kutora chigaro ichi sezvo zita ravo rakanga risipo pamazita evanhu vaive nekodzero dzekuvhota musarudzo dzegore rapera muManicaland.

Hurukuro naVaTawanda Zhuwarara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaTerrence Hussein
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG