Masangano anoongorora mafambisirwo esarudzo munyika pamwe nemamwe masangano ezvematongerwo enyika ari kukurudzira kuti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, ifambirane nenguva ishandisewo michina yechizvinozvino mukunyoreswa kwevanhu, kana kuti biometric voters’ roll, sezvave kuitwawo nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica.
Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa nemusi weChitatu neZEC kuti yatanga kunyoresa vanhu vanoda kuvhota munyika yose segadziriro yayo yesarudzo dza2018.
Komisheni iyi inotiwo haisi kuzotanga gwaro revavhoti idzva, asi kuti ichagadzirisa riripo rakagadzirwa nehofisi yaRegistrar General.
Masangano eZimbabwe Election Support Network, neElection Resource Center Zimbabwe aburitsawo magwaro eongororo yesarudzo dze by-election dzakaitwa kuChirumhanzu-Zibagwe nekuMt. Darwin West.
ZESN inoti inoshushikana nehuwandu hwevanhu vakashandisa marusiti ekunyoresa kuve muvhoti, voter slips, pamwe nehuwandu hwevanhu vakabatsirwa kuvhota.
Masangano aya apawo kurudziro yekuti hurumende ikasike kubatanidza mitemo ine chekuita nesarudzo sezviri mubumbiro idzva, nezvimwe zvakawanda zvaanoti zvinobatsira ZEC mukubata kwayo basa resarudzo.
Masangano aya anoti kunyange hazvo paive nezvimwe zvingadai zvisina kufamba zvakanaka musarudzo idzi, anocherechedzawo zvakagonekwa neZEC zvakaita sekuvhura nzvimbo dzekuvhotera panguva yakatarwa.
Mukuru weElection Resource Centre Zimbabwe, VaTawanda Chimhini, vanoti vanotendawo kuti pane zvimwe zvati shandukeyi panyaya dzekubatwa kwesarudzo neZEC, zvakafanana nekukwanisa kwayo kutanga kunyoresa vanhu kuti vazokwanisa kuvhota.
VaChimhini vanoti izvi zvinhu zvakatadza kuitwa musarudzo dza2013 pamwe nemamwe ma by-election akaitwa muna 2014, zvinove zvinhu zvavainyunyuta nazvo zvikuru.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaMorris Ngwenya, vanotiwo vanotenda mapato ose ezvematongerwo enyika nekukwanisa kuita sarudzo murunyararo, kunyange hazvo paine nyaya dzekutyisidzirwa kwevanhu, izvo vanoti zvinofanirwa kugadziriswa nevezvematongerwo enyika pachavo.
Panyaya yekuti ZEC iri kukundikana kuita sarudzo dzinogutsa uye kuchenesa gwaro revavhoti kana kuita sedzimwe nyika dzave kushandisa muchina mitsva, VaNgwenya vanoti hachisi chinhu chakavandika kumunhu wese kuti hurumende haina mari yekupa ZEC kuti iite zvose izvi.