Accessibility links

Breaking News

Sangano reZCTU Ronyunyuta neKusateverwa kweMutemo weMabasa neVashandirwi


ZCTU inoti vashandi vakawanda havasati vapiwa mari dzavo dzekupukuta dikita
ZCTU inoti vashandi vakawanda havasati vapiwa mari dzavo dzekupukuta dikita

Rimwe sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti makambani akawanda akamisa vashandi mabasa achishandisa mutongo wedare repamusoro wakaturwa muna Chikunguru, ari kuramba kutevera mutemo mutsva wemabasa wakasainwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe masvondo mashoma adarika.

Mutemo mutsva uyu wave kuti mushandi anofanirwa kubhadharwa mari dzedikita makore aakagara pakambani iyi.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo vanoti mamwe makambani akanga amisa vashandi mabasa, ave kusarudza kuvadzosa pamabasa pane kuti avabhadhare zvinoenderana nemutemo mutsva uyu.

“Vashandi vashoma ndivo vari kudzokera kumabasa kwavaishanda asi vachisvikowana zvinhu zvashanduka, kana michina yavaishandisa,” vanodaro VaMoyo.

Vanoenderera mberi vachiti vazhinji vevakaburitswa mabasa avari kutambura sezvo mamwe makambani avaishandira ari kuti haana mari, kana kuti ari kuramba kutambira mutemo mutsva uyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru wesangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare vanoti vanoshamiswa nemashoko eZCTU ekuti vashandirwi vari kuramba kubhadhara vaive vashandi vavo.

“Tinoshamisika nekuti vamwe vedu ava ndivo manje vanonyatsoziva mamiriro akaita zvinhu mumakambani,” vanodaro VaMufukare.

Vanoti hapana mushandirwi ari kuramba kubhadhara vanhu mari dzavo, asi kuti makambani acho haana mari nekuda kwekuoma kwezvinhu.

Vanoti vakabva mukuita musangano neZCTU nemamwe masangano evashandi vachitoshamisika kuti hakuna vashandi vari kuenda kumabasa vachiti vauya kumabasa kwavo.

VaMufukare vanoti izvi hazvisi kuitika nekuti vashandi vanoziva kuti kumabasa kwacho hakuna chekunoita, sezvo makambani asiri kukwanisa kusevenza nekuda kwekuoma kwezvinhu.

Vashandi vanodarika zviuru makumi maviri nezvishanu vanonzi vamiswa mabasa kubva papiwa mutongo uyu nedare repamusoro.

Asi hurumende yakazoedza kuita kuti mutemo uyu ufadze mativi ose kuburikidza nekuuwandudza, asi zvinenge zviri kuratidza kuti vose vashandi nevashandirwi havasi kutambira zvakare mutemo mutsva uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG