Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inosvitsa Magwaro eNyunyuto kuMahofisi eHurumende


Vashandi vari pasi peZCTU vakapinda mukuratidzira neMugovera
Vashandi vari pasi peZCTU vakapinda mukuratidzira neMugovera

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti rabudirira kusvitsa magwaro enyunyuto kumahofisi egurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, muHarare pamwe nemahofisi emakurukota ematunhu mumaguta akaratidzirwa nenhengo dzesangano iri mukupera kwesvondo.

Asi vamwe vanoti kuratidzira uku kwakakundikana zvikuru sezvo vanhu vashoma vakapinda mumigwagwa.

Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZCTU, VaLast Tarabuku, vanoti sangano ravo rinoona sekuti kuratidzira kwakaitwa neMugovera uku kwakabudirira pachitariswa kuti pane zvakawanda zvakaedza kuitwa senzira yekutadzisa kubudirira kwekuratidzira uku.

VaTarabuku vanoti pane vanhu vakakanda magwaro aiita seabva kuhofisi yavo yeZCTU achiti sangano ravo rakanga rasendeka kuratidzira uku, izvo vanoti zvakakanganisa vanhu zvakanyanya, zvikuru vakakundikana kufona kumahofisi avo kuti vanzwe chokwadi.

Nhengo dzeZCTU dzakaratidzira neMugovera mumaguta anoti Harare, Bulawayo, Mutare, Gweru, Masvingo neChinhoyi dzichinyunyuta nezvakawanda zvadzinoti zviri kukanganisa kurarama kwakanaka kwevashandi vose munyika.

VaTarabuku vanoti vakakundikana kusiya magwaro enyunyuto aya kumahofisi ehurumende sezvo akanga akavharwa, izvo zvakazoita kuti vaaendese neMuvhuro.

Zvichakadaro, hurumende inonzi yazivisa kuti yambomira kubhadhara vashandi vayo mari dzemabhonasi kusvika mugore ra2017.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanonzi vazivisa nezvedanho iri vachiti izvi zvichapa hurumende yavo mukana wekuti iumbe homwe yayo yemari.

Asi vamwe vanoongorora zveupfumi vanoti hurumende yatora danho iri isina kufungisisa nezvazvo sezvo paine zvakawanda zvekuita mukugadzirisa nezvematambudziko ayo emari zvakaita sekubvisa vashandi vanonzi vari kubhadharwa ivo vasiri pamabasa nezvimwe, pane kumisira vashandi mari dzebhonasi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG