Accessibility links

Breaking News

Kuratidzira kweZCTU neMugovera Koenderera Mberi


Nhengo dzeZCTU dzichiratidzira
Nhengo dzeZCTU dzichiratidzira

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kuenderera mberi nekuratidzira kwarakaronga kuita neMugovera 11 Kubvumbi zvichitevera mutongo wapiwa nedare repamusoro wekuti mapurisa haana simba rekurambidza hurongwa uhwu.

ZCTU yakanga yakwira kudare mushure mekunge mapurisa kuBulawayo, Masvingo neMutare airambidza kuratidzira.

Mapurisa emuHarare ndiwo chete akanga abvuma, kuchitiwo ekuChinhoyi neGweru anga asati apa sangano iri mhinduro yawo.

Sangano iri rakaronga kuratidzira richida kuti risvitse magwaro enyunyuto kuhurumende kuburikidza nekusvitsa magwaro enyunyuto kumahofisi emakurukota ematunhu pamwe nemahofisi ebazi rezvevashandi.

Asi zvinonzi pane rimwe sangano revechidiki rinozviti Zimbabwe Youth in Action, iro rinofungidzirwa kuti rinodyidzana nebato reZanu PF, raburitsa mashoko ekuyambira ZCTU kuti ikaenderera mberi nekuratidzira uku richakukanganisa sezvo kuine zvematongerwo enyika mukati.

Vakafanobata chigaro chevanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZCTU, VaLast Tarabuku, vanoti kunyange hazvo mamwe maguta aya anga asati avapa mhinduro, vachashandisa mutongo waturwa nedare uyu kuenderera mberi nehurongwa hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG