Accessibility links

Breaking News

Vamwe Votarisisa Remangwana raVaMugabe seMutungamiri


Seorang penghibur memasukkan kepalanya di antara mulut buaya di kebun binatang Sriracha di provinsi Chonburi, Thailand.
Seorang penghibur memasukkan kepalanya di antara mulut buaya di kebun binatang Sriracha di provinsi Chonburi, Thailand.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kongiresi yebato reZanu PF ichangopera kuitwa muHarare yakaburitsa pachena kuti mutungamiri webato iri uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vave munhu akwegura sezvo musangano uyu usina remangwana ravakaronga kana kuburitsa sezvaitarisirwa neveruzhinji.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti zvakabuda pachena kuti VaMugabe munhu ave kufanirwa kunge achizorora, kwete kuti atarisirwe kumirira bato reZanu PF zvakare musarudzo dzichaitwa muna 2018.

Mashoko aVaMutasa aya anotsinhirana nemaonero emutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, Professor Lovemore Madhuku, avo vanoti kutadza kudoma vatevedzeri vavo kwakaitwa naVaMugabe chiratidzo chekuti zvinhu zvave kuvaremera kuti vaite basa munguva inenge yakatarisirwa.

VaMugabe vari kuita makore makumi mapfumbamwe nerimwe ekuberekwa muna Kukadzi gore rinouya.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira uye vari nhengo yeZanu PF, VaMorris Ngwenya, vanoti VaMugabe munhu achiri kuziva zvaari kuita, uye vakaratidza kuti munhu ari kushushikana neremangwana renyika yavo pamwe nebato ravo reZanu PF.

Hurukuro naVaCharles Mutasa pamwe naVaMorris Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG