Accessibility links

Breaking News

Kusagadzikana muZanu PF Koenderera Mberi


Panguva iyo veruzhinji vaitarisira kugadzikana mubato reZanu PF mushure mekongiresi yakaitwa kutanga kwaZvita, zviri kuitika mubato iri zvinoratidza kuti zvinhu zvichatoramba zvichienderera mberi zvichitevera mashoko ekuti mamwe matunhu ari kuda kuti dzimwe nhengo dzeparamende dzidzingwe mubato iri.

Mashoko ari kubuda anoratidza kuti dunhu reMashonaland Central riri kuda kuti nhengo dzeparamende gumi neshanu dzibviswe pazvigaro dzichipomerwa mhosva yekukonzera kusawirirana mubato iri.

Dunhu reManicaland rinonzi riri kudawo kuti vaive munyori wezvekurongwa kwemabasa muZanu PF, VaDydimus Mutasa, nevamwe vabviswe pazvigaro vachipomerwawo mhosva imwe cheteyo.

KuMashonaland East zvinonzi vamwe vari kukurudzirawo kuti nhengo dzeparamende dziri kupomerwa mhosva yekudyidzana nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, dzimiswewo mabasa.

Mamwe mashoko anoti kucheneswa kunonzi kuri kuitwa bato iri kuchasvikawo kuvakuru vemapurisa uko kunonzi vamwe kusanganisira mukuru wacho, VaAugustine Chihuri, nemukuru wemajeri, VaParadzai Zimondi, vari kunzi vangangobviswa.

Izvi zvose zvave kuitika muZanu PF zvinoitika kunyange hazvo vave munyori anoona nezvegwara remusangano, VaSaviour Kasukuwere, vakakurudzira nhengo dzebato iri kuti dzimire kumisana mabasa asi kuti dzichishanda pamwe chete.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti zviri kuitika muZanu PF zvinoratidza kuti hurongwa hwevakabvisa Amai Mujuru pachigaro hahusati hwazadziswa.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanotiwo mubato iri mune hurongwa hwekuti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vave ivo vanozotora chigaro kana VaMugabe vasiya basa.

Hurukuro naVaCharles Mangongera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG