Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti Maoko Avo Akachena


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru

Nekuona kuti mwana asingachemi anofira mumbereko, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Teurai Ropa Mujuru, neSvondo vakaburitsa gwaro riri kuramba zvavari kupomerwa nevamwe mubato ravo.

Mugwaro iri, Amai Mujuru vanoramba mashoko akaburitswa nebepanhau reThe Sunday Mail, iro riri kuvapomera mhosva yekuronga kupfuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Amai Mujuru vanorambawo zvakare mhosva dzinosanganisira dzehuwori nekusaita basa ravo nemazvo dzavari kupomerwa.

Vanoti kunyange hazvo kunyarara kuchinzi kunokunda zvose, vaona zvakakosha kuti vaudze vana veZimbabwe kuti sezvo vari mutungamiri akasarudzwa nevanhu, vachashandira vanhu vachiremekedza mutungamiri webato ravo pamwe nemutungamiri wenyika, uye vachitevera bumbiro rebato pamwe nebumbiro renyika.

Amai Mujuru vanoti chakaita kuti vatore nguva vakanyarara inyaya yekuti vanoremekedza hurongwa hwebato ravo.

Vanotiwo vakatosvitsa nyaya iyi kumagweta avo, ayo vanoti achatora matanho akakodzera.

Mapoka akawanda ari kuchikwata chinonzi chiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, ari kukurudzira Amai Mujuru kuti vasiye basa vega.

NeSvondo hutungamiri hutsva hwesangano revakarwa hondo huri kutungamirwa naVaChristopher Mutsvangwa hwakakurudzira Amai Mujuru kuti vasiye basa voga, richiti izvi zvinozorerutsa basa raro pakongiresi yeZanu PF ichaitwa mwedzi unouya.

Vamwe vanonzi vari kudivi raAmai Mujuru, vanosanganisira VaRugare Gumbo, vari kumbomiswa mabasa mumusangano vachipomerwa mhosva dzekuda kupidigura hurumende yaVaMugabe.

Studio7 yaedza kubata Amai Mujuru asi vati vanga vari mumusangano. Takundikanawo kubata magweta avo eScanlen and Holderness.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vaudza Studio 7 kuti vanoona sekunge danho ratorwa naAmai Mujuru rekuramba zvavari kupomerwa rakanaka, sezvo vanhu vakawanda vanga vakamirira kuda kunzwa pavamire.

VaMutasa vanoti zviri kuitika mubato iri zvinoreva kuti musangano wekongiresi uri kutarisirwa kuitwa mukutanga kwemwedzi unouya watoitwa kare muhondo dziri kurwiwa nemapoka anonzi ari muZanu PF aya.

Hurukuro naVaCharles Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG