Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC T neZanu PF Votongerwa Kuita Mhirizhonga kuChitungwiza


Vechidiki veMDC T vanonzi vakarwisana nemapurisa nevechidiki veZanu PF (Photo By Thomas Chiripasi)
Vechidiki veMDC T vanonzi vakarwisana nemapurisa nevechidiki veZanu PF (Photo By Thomas Chiripasi)

Nhengo dzevechidiki dzeMDC T shanu dzakasungwa nemapurisa neMugovera dzamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muChitungwiza dzichipomerwa mhosva yekuparadza midziyo.

Nhengo idzi dzakasungwa mushure memhirizhonga yakaitika mumusha weChitungwiza pakati pevechidiki veMDC T, nevechidiki veZanu PF pamwe nemapurisa.

Nhengo mbiri dzeZanu PF dzinonzi dzamiswawo pamberi pedare dzichipomerwa mhosva yekurwisa nhengo dzeMDC T mushure mekunge dzapinda mudzimba dzichirova vanhu zvichitevera kurwisana kwakanga kwaitika masikati eMugovera.

Sachigaro wevechidiki veMDC T, VaHappymore Chidziva, vanoti mhirizhonga yakaitika iyi yakakonzereswa nemapurisa ayo akasvikotanga kurova vanhu.

VaChidziva vanoti vechidiki vebato ravo neMugovera vakaputsa chivakwa chakanga chaiswa nehutungamiri hweZanu PF pane imwe nzvimbo iri mumusha weSt. Mary’s senzira yekuchengetedza nzvimbo iyi kuti isatorwe nebato riri kutonga.

VaChidziva vanoti vakazoshamiswa voona mapurisa achiuya achisvikozvindikita nhengo dzavo, izvo zvakasiya vakawanda vavo vakuvara, vamwe vacho zvakaipisisa.

Mumwe wevanonzi vakarohwa nemapurisa ndiGerald Fokisa, uyo anonzi akatyoka gumbo muchiitiko ichi, izvo zvaita kuti ange achiri muchipatara kusvika pari zvino.

Fokisa nevamwe vake vanoti Tonderai Chibuka, Kuda Ngundu, John Chamatumba naCrispen Muchabaiwa ndivo vamiswa pamberi pedare, Fokisa akapiwa mukana wekutongwa achibva kumba asina kubhadhariswa mari yechibatiso.

Asi vamwe vake vana, pamwe chete nevechidiki veZanu PF vaviri vanzi ndiNorman Kuzanga naBertha Matengu vanonzi vabhadhariswa mari yechibatiso inoita madhora zana nemakumi mashanu pamunhu kuitira kuti vakwanise kutongwa vachibva kudzimba dzavo.

Studio 7 yabata nhengo yevechidiki veZanu PF, VaInnocent Hamandishe, kuti tinzwewo divi rebato ravo, asi vati vanga vasati vanzwa nezvemhirizhonga iyi sezvo vanga vari kunze kweguta.

Studio7 yakundikana kubata mapurisa ekuChitungwiza kuti tinzwewo divi ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG