Accessibility links

Breaking News

VaMachaya Vanoti Vanotambira Kubviswa Kwavo saSachigaro weMidlands


Zanu PF Badge
Zanu PF Badge

Vaimbove sachigaro weZanu PF mudunhu reMidlands, VaJason Machaya, vanoti vanogamuchira nemufaro danho rakatorwa nebato ravo rekuti vasiye chigaro chavo mushure mekunge vamwe mudunhu ravo vati havachavimbi navo.

VaMachaya vakapomerwa mhosva dzakawanda dzinosanganisira kusashevedzera misangano sezvaitarisirwa kubva mubumbiro rebato ravo, kukundikana kubatanidza nhengo dzebato mudunhu reMidlands, pamwe nekusapinda misangano inonzi yairatidzwa nhengo dzedunhu kune veruzhinji.

Masachigaro eZanu PF mumatunhu mapfumbamwe kubva mugumi anonzi abviswa pazvigaro zvichitevera kusavimbwa navo kunonzi kwakaitwa nematunhu avo.

Masachigaro aya anonzi anotsigira chikwata chinonzi ndechemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, uye vanonzi vari kutsiviwa nemasachigaro anonzi ari kutsigira chikwata chinotungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMachaya vanoti zvakaitwa kwavari zvinoratidza kuti bato ravo rinotevera bumbiro rebato uye ivo vacharamba vari nhengo inoremekedza musangano.

Kunetsana mubato reZanu PF kunonzi kuri kuramba kuchienderera mberi, zviri kuonekwa nekubviswa pazvigaro kuri kuitwa masachigaro ematunhu, masachigaro eboka remadzimai pamwe nevamwe vanokwanisa kunge vachizovhota kana vakaenda kukongiresi yebato iri.

Kongiresi yeZanu PF iri kuitwa kubva musi 2 kusvika 7 Zvita.

Chinonzi chiri kunyanya kukatyamadza vakawanda ndechekuti vari kubviswa pazvigaro ava ndeavo vanofungidzirwa kuti vanotsigira Amai Mujuru.

Amai Mujuru naVaMnangagwa vanoramba kuti vanotungamira zvikwata kunyange hazvo Politiburo yebato yakabuda nechisungo chekuti nyaya yezvikwata iyi iferefetwe.

Dzimwewo nyanzvi nevanoongorora zvematongerwo enyika vanotiwo kupinda mudariro rezvematongerwo enyika kwakaitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, ndiko kwakashandura mutambo wose, sezvo vakasvika nekurova imbwa vasina kuviga mupinyi.

Amai Mugabe vakasvikotema Amai Mujuru zvisina mukare akamboona vachivapomera mhosva dzakawanda dzinosanganisira yekunzi vari kuda kubvisa VaMugabe pachigaro nechisimba.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari nhengo yeZanu PF, VaMorris Ngwenya, vanoti havaoni chakaipa pamatanho ari kutorwa nenhengo dzebato ravo dziri kubvisa mudariro vanhu vanonzi vanotsigira Amai Mujuru, sezvo vanhu ivavo vari ivo zvakare vanhu vakaisa masachigaro aya pazvigaro.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaBlessing Vava, vanotiwo zvose zviri kuitika izvi zvine rutsigiro rwemutungamiri webato, VaRobert Mugabe, sezvo vari kuramba vakanyarara pane zviri kuitwa nemudzimai wavo.

Hurukuro naVaJason Machaya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaMorris Ngwenya pamwe naVaBlessing Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG