Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa muZanu PF Oburitswa neBy-Election muHarare East


VaSavior Kasukuwere
VaSavior Kasukuwere

Kusawirirana muZanu PF kunonzi kwadzika segejo zvichitevera mashoko emunyori wezvekorongwa kwemabasa ezvematongerwo enyika, VaSavior Kasukuwere, kune vamwe vakuru-vakuru mubato iri vavasina kudoma nemazita.

Vachitaura kuMabvuku/Tafara nemusi weChitatu pamusangano wekutsvagira rutsigiro nhengo yebato iri kuHarare East musarudzo ye by-election mwedzi unouya, VaKasukuwere vanonzi vakati bato ravo richatora matanho ekudzinga nhengo dziri kuramba kutevera gwara remusangano, sezvakaitwa kuchikwata chinonzi chaitsigira Amai Joice Mujuru.

Nyaya yeachamirira bato iri musarudzo muHarare East inonzi imwe yaratidza pachena kuti mbambo dzebato reZanu PF dzave kuzunzika, zvichitevera hondo yekuti ndiani achamirira bato pakati pevakakunda musarudzo ye primary yebato, VaTerence Mukupe, nevakadyiwa musarudzo asi vachidiwa nehutungamiri hwedunhu reHarare, Muzvare Mavis Gumbo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira zvakare sangano reYouth Initiative for Development in Zimbabwe, YIDEZ, VaSydney Chisi, vanoti mashoko akataurwawo negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, pachirongwa cheBBC ekuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havasi ivo vachasara netsvimbo yekutonga kana VaRobert Mugabe vabva pachigaro, chiratidzo chekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Vanotiwo mashoko emumwe wevatewedzeri vemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, ekuti havasi mutevedzeri wechipiri kwete nekuti vese vakaenzana, mumwe munongedzo wekuti vazhinji mubato iri vave kurwira kuzviisa pachinhanho chakanaka kana VaMugabe vasiya chigaro.

VaChisi vanot danho rakatorwa neZanu PF rekudzinga Amai Mujuru nechikwata chavo harina zvarakabatsira sezvo bato iri richiri kungosangana nematambudziko ekuremekedzwa kwehutungamiri pamwe negwara rebato.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaMorris Ngwenya, vanoti ichokwadi kuti pose panoitika sarudzo panoitawo vamwe vanenge vave kudawo zvigaro, asi vamwe vacho vanoshandisa nzira dzisingatarisirwe kuti dzinge dzichishandiswa sezvo musangano uine gwara rinofanirwa kutewerwa.

VaNgwenya vanoti mazuva apfuura vakaona vamwe mubato ravo vachishoropodza kana ivo murongi wemisangano, VaKasukuwere, nenhengo dzesangano revakarwa hondo, iro rinofanirwa kunge ritori pasi pemusangano weZanu PF.

Asi vanoti zvinhu zvinogadzirika zvekuti vanoona remangwana rebato ravo richange rakajeka kuburikidza nedanho irori, rekubvisa vasiri kutevedzera gwara remusangano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG