Accessibility links

Breaking News

Homwe yeKubatsira veChidiki Yomutsa Mutauro


VaPatrick Zhuwao
VaPatrick Zhuwao

Chirongwa chehomwe yekubatsira vechidiki chemari inoita mamiriyoni gumi emadhora chakaparurwa negurukota rezvevechidiki, VaPatrick Zhuwao, chinenge chasimudza mutauro vamwe vachiti hachisi kubatsira vechidiki vose, asi kuti nhengo dzeZanu PF chete.

Vanoti havasi kugutsikana nefambisirwo ari kuitwa mari dzezvirongwa zvakadai vanoti pane chakamboparurwa nevaive gurukota rezvevechidiki, VaSavior Kasukuwere, vakaona vechidiki vebato rimwe chete vachiwana rubatsiro, asi vemapato anopikisa vachishaiswa mikana.

Mumwe wevari kukurudzira kuti chirongwa ichi chisapinzwe zvematongerwo enyika mutungamiri wesangano revanorarama nekutengesa, reVendors’ Initiative for Social and Economic Transformation , VaSamuel Wadzayi, avo vanoti zvirongwa zvakadai zvakakosha zvikuru kune vechidiki, avo vavanoti ndivo vazhinji vevanhu vave kurarama nekutengesa.

“Isu sevechidiki tinongoti ma processes iwayo ekuti mari idzodzo dziwanikwe ngaasatiomera isu sevechidiki,” VaWadzayi vanodaro.

Vanoti pane zvimwe zvinozodiwa kuti vaburitse izvo vasingagoni kuzowana sezvo vazhinji vavo vachiri kubva kuzvikoro.

Asi nhengo yeZanu PF vachimirira Pelandaba-Mpopoma, VaJoseph Tshuma, vanoti semaziviro avo, hakuna munhu akambobvira akabvunzwa kadhi remusangano waanotsigira kuti akwanise kupinzwa muzvirongwa zvehurumende izvi, sezvo zvisiri zvirongwa zvebato.

VaTshuma vanoti semaziviro avo, vanhu vanotya kutora zvikwereti uye vamwe vevakatora mari muchirongwa chekutanga vakadzidya zvisina musoro.

“Unfortunately, isisu vanhu tinogara tiri mu political gear,” vanodaro VaTshuma. “Unonzwa munhu achiti izvi zvinhu zveZanu izvi, haana zvaanoita. Wozonzwa futi kuti ndiye anotanga kushambadzira kuti ndakanyimwa ini nekuti ndiri webato rakati.”

VaTshuma vanoti vanokurudzira vechidiki kuti vasimuke, zvikuru vekumatunhu eMatabeleland, avo vavanoti vanosarira shure.

Vanoti vechidiki vanenge vatora zvikwereti izvi vanofanirwa kukasikawo kudzosera chikwereti kuitira kuti vamwe vachatevera vawanewo kubatsirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG