Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze Vokurudzirwa Kubatsira Vari Kumusha


Shasha yengoma, Tomson Chauke
Shasha yengoma, Tomson Chauke

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kutumira midziyo nezvimwe zvakawanda kumusha kuitira kuti zvibatsire mukusimudzira vechidiki mumabasa akasiyana siyana.

Kuita kwakadai kuri kukurudzirwa zvikuru kuitira kuti vari kuita izvi vasaora mwoyo kunyange hazvo midziyo iyi ikasabatwa zvakanaka nevanenge vachitungamira zvirongwa izvi muZimbabwe.

Kurudziro iyi yaitwa neshasha yekurova ngoma dzemagitare uye ari muimbi, Tomson Chauke, uyo ave kugara kuReading kuEngland pari zvino.

Chauke, uyo akamboridza mimhanzi nenyanzvi dzinosanganisira mushakabvu Simon “Chopper” Chimbetu, Alick Macheso pamwe naAmbuya Stellah Chiweshe, anoti ari kubatsira vechidiki vemunharaunda yeHippo Valley, kuChiredzi kwaakakurira.

Muimbi uyu anoti ari kutumira kumusha zvinhu zvakaita semagitare, ngoma nezvimwe zvinodiwa mukuridza mimhanzi, izvo zviri kubatsira vechidiki kuti vadzidzire kuridza nziyo.

Chauke anotiwo zvakakosha zvikuru kuti vechidiki vanhasi vawaniswe mikana yekudzidziswa zvemaoko zvakasiyana siyana kuitira kuti vasazonetsekana kana vopinda munyika vachizviriritira.

Mashoko aya atsinhirwa nemukuru wesangano revechidiki, re Youth Initiative for Development in Zimbabwe, VaSydney Chisi.

Asi VaChisi vanotiwo vanosiririswa nezviri kuzoitwa nevamwe vari muzvinhanho zvepamusoro munyika vanopedzesera votora rubatsiro rwunobva kunze urwu voita rwavo, vachikanganwa vepasi vari kuedza kubatsirwa kuti vasimukire muhupenyu hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG