Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vashora zvikuru mhirizhonga iri kuitika munyika mavo iyo yasiya vanhu vashanu vekunze kwenyika iyi vafa muDurban.
Vachitaura nenhepfenyuro yeSABC neChitatu VaZuma vashoropodza zvakadzama mhirizhonga iyi, vachiti kana vanhu vemuSouth Africa vaine nhuna dzavo, havafanirwe kurwisa kana kuuraya vekunze kwenyika iyi.
VaZuma vakurudzira runyararo vakadzokorora mashoko avo ekuti zvizvarwa zvemu South Africa zvinofanirwa kuziva kuti vanhu vemu Africa vakabatsira zvikuru vanhu vatema vemu South Africa apo vairwisana nehudzvanyiri hwehurumende yerusarura yevachena yaitonga munguva iyi.
VaZuma vatumira mashoko enyaradzo kumhuri dzarasikirwa nehama munhirizhonga iyi.
Zvitoro zvevekune dzimwe muJohannesburg zvavharwa neChitatu vachtyira kurwiswa sezviri kuitika muDurban.
Hurumende yaVaZuma inoti yakomekedza mapazi ezvemukati menyika, mapurisa, pamwe nekuchengetedzwa kwenyika kuti aone kuti mhirizhonga iyi yamiswa zvachose.
Nekuda kwekuenderera mberi kwemhirizhonga iyi, masangano akawanda kusanganisira reCrisis in Zimbabwe Coalition pamwe nebato riri kutonga muSouth Africa, reAfrican National Congress, ANC, aburitsa mashoko ekushoropodza zviri kuitika izvi.
Bato reANC rinoti zviitiko zvinonyadzisa izvi hazvisi kuitwa muzita rebato iri uye rinoti zvinofanirwa kuonekwa sehumbavha kana humhondi zviri kuitwa kuvanhu vasingakwanisi kuzvidzivirira.
Ukuwo sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinotiwo riri kukatyamadzwa zvikuru nezviitiko izvi, izvo rinoti zviri kukanganisa hukama pakati pevatema.
Murongi wemabasa kuchamhembe kweAfrica musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti sangano ravo, semamwe masangano akawanda, riri kukurudzira hurumende yeSouth Africa, zvikuru bazi rezvemukati menyika, kuti vatore matanho mukurwiswa kwevanhu vasina mhosva yavakapara uku.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano re Zimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanotiwo chiitiko ichi chasvibisa zvikuru hurumende yaVaZuma, pachitariswa kuti hutungamiri hwenyika iyi hwakawanda hwakachengetwa munyika dzine zvizvarwa zvave kurwiswa izvi.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumaguta aita mhirizhonga iyi eDurban neJohannesburg zvinoti hazvichaziva zvekuita sezvo nhamo yazvo yafanana nemwana atsva dumbu mai vachitsvawo kumusana.