Accessibility links

Breaking News

Musangano weWomen of Dominion International Wotanga muCincinnatti neChina


Pastor Rebecca Makayi
Pastor Rebecca Makayi

Sangano remubatanidzwa wemadzimai anobva kumakereke akasiyanasiyana, reWomen of Dominion, riri muAmerica, riri kuita musangano waro mukuru wepagore kuCincinnatti, kuOhio.

Musangano weWomen of Dominion International Conference kutanga manheru emusi weChina, 2 Chikunguru, kusvika musi weSvondo, 5 Chikunguru 2015.

Munyori mukuru wesangano iri, Pastor Rebecca Makayi, vanoti musangano uyu, sezita rawo, uchabatanidza madzimai anodarika mazana matatu anobva kunyika dzakasiyanasiyana, kusanganisira Zimbabwe kuti vaswedere pedyo naMwari.

Pastor Makayi, avo vanoshumira kuMinnesota Praise Covenant Ministries, muAmerica zvakare, vanoti chinangwa chemusangano uyu, uyo wapinda mugore rechina, ndechekubatanidza vana veZimbabwe zvisineyi nekuti vanobva kumachechi api.

“Hatina a particular church yatinoshanda nayo,” vanodaro Pastor Makayi. “Tinoshanda nevana veZimbabwe, hazvina basa kuti uri weRoman Catholic, hazvina basa kuti uri weAnglican, hazvina basa kuti uri weZAOGA, hazvina basa kuti uri weMethodist. Isu tinobatanidza vana veZimbabwe. Chinangwa chatakapiwa naMwari ndechekuti tive madzimai anotonga munyika ino sekusikwa kwatakaitwa naMwari.”

Gore rapera musangano mukuru uyu wakaitirwa kuTexas, uye unotenderera nematunhu akawanda muAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG