Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vopembedza Danho reHurumende Rekupa Varimi Vachena Mvumo yeKurima


Vamwe vevarimi vechichena vanonzi vari kupiwa minda inyanzvi mukuchengetwa kwemombe
Vamwe vevarimi vechichena vanonzi vari kupiwa minda inyanzvi mukuchengetwa kwemombe

Vanhu vakawanda, kusanganisira bato guru rinopikisa reMDC T, vari kupembedza danho rakatorwa nehutungamiri hwedunhu reMasvingo rekukomekedza mazita evarimi vechichena vatanhatu kuti vapiwe magwaro anovabvumidza kurima, kana kuti offer letters.

Bepanhau reHerald rinoti gurukota redunhu reMasvingo, Amai Shuvai Mahofa, vakatosaina gwaro rine mazita evarimi ava, avo vanofungidzirwa kuti vanobata mabasa akasiyana siyana, anosanganisira kuchengeta huku pamwe nemombe.

Kunyange hazvo ava vasiri vachena vekutanga kupiwa matsamba ekuti vawaniswe minda, vamwe vanoti danho iri kutambira kukundikana kwaitwa nehurumende yeZanu PF kusimudzira nyaya dzekurima.

Vamwe ndivo vanoti nguva iri kupiwa magwaro aya kuvachena yanangana nenguva apo nyika iri mubishi rekuedza kupinza chibage munyika senzira yekudzivirira nzara, sezvo varimi mwaka uno vasina kukohwa zvakakwana.

Vamwe vanoti chibage chiri kutengwa kunyika dzakaita seZambia chiri kubva kuvarimi vechichena vakatorerwa minda vakatiza munyika.

Zvinonzi kubva muvarimi vaidarika zviuru zvina vaive munyika pachiri kurima vanodarika zvishoma mazana maviri, asi kwete zvine mutsindo ungasimudze nyika.

Pavarimi ava, vamwe vavo vanonzi vakapiwa matsamba ekurima aya asi hazvina kunyatsojekeswa sezvo vamwe vacho vari kuonekwa vachitorerwa zvakare minda yacho vachinzi havana matsamba.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti sebato vanofadzwa nedanho iri sezvo Zanu PF yaona kukosha kwekurudziro yakaitwa nebato ravo parakaumbwa yekuti minda ipiwe kumunhu wese, zvisineyi neganda raka.

“Tisu takatanga kutaura kuti kunofanirwa kunge kuchiitwa land reform muna 1999 September, policy document yakafoma bato redu reMDC,” vanodaro VaGutu. “Ndozvimwe zvezvinhu zvakabuda mu document iroro, kuti munda unofanirwa kupiwa munhu wese anokodzera.”

VaGutu vanotiwo chimwe chinofanirwa kuitwa nehurumende yeZanu PF kupa vanhu ma title deeds kuitira kuti vawane zvibatiso kana voenda kunokwereta kumabhanga.

Asi nyanzvi mune zvekurima uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti hapana chekupembedza padanho rakatorwa nedunhu reMasvingo iri, sezvo vachena vagara vachitevera mitemo yenyika vakapiwa kare matsamba ekuti varime munyika yose.

“Ndofunga varungu vacho vazoona kuti aah, aah, game plan haichaita, chinoshanda ndechekuti kana iwe wazviti uri muZimbabwean akaperera unongoitawo zvinoita vamwe,” VaChirumhanzu vanodaro.

Gurukota rezvekugariswa patsva kwevanhu, VaDouglas Mombeshora, vakazivisawo kuti hurumende iri kukurudzira hutungamiri hwematunhu ose kuti hwuvape mazita evarimi vechichena vavanoda kuti varambe vachirima munzvimbo idzi, vachiti hurumende yavo haiite zverusarura pakuwanisa vanhu minda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG