Accessibility links

Breaking News

Mamita eMvura Oramba Kutambirwa kuChipinge


Mamita anoita kuti vagari vatange vabhadhara mari vasati vashandisa mvura
Mamita anoita kuti vagari vatange vabhadhara mari vasati vashandisa mvura

Hutungamiri hwesangano remubatanidzwa wemasangano evagari vemunharaunda yeHarare, reHarare Metropolitan Residents Forum, huri kutarisirwa kusangana nevagari vemuChipinge manheru emusi weChipiri.

Izvi zviri kuitwa senzira yekuvatsigira muhurongwa hwavo hwekuramba kutambira hurongwa hwekanzuru yeChipinge hwekuti vagari vashandise mvura yavanenge vatenga chete kuburikidza nema smart pre-paid water meter.

Sachigaro wesangano reHarare Metropolitan Residents Forum, uye vari sachigaro weCombined Harare Residents Association, CHRA, VaSimbarashe Moyo, vanoti vatora danho iri senzira yekuratidza kubatana kwavo nevagari vemuChipinge sezvavagara vachingoita nevamwe vagari vemakanzuru ose emunyika.

Sangano iri rinobatanidza masangano evagari vemuHarare, Chitungwiza, Ruwa neNorton.

Kanzuru yeChipinge yakazivisa kuti musi wa 8 Kubvumbi ichange ichikoka vose vanoda uye kukwanisa kuiwanisa mamita emvura aya kuti vange vari pamahofisi ayo nenguva dzegumi mangwanani.

Kanzuru yeChipinge inonzi iri kuda kuisa mamita anosvika zviuru zviviri.

Asi sezviri kungoitikawo mune mamwe maguta nemakanzuru, vagari vari kuramba kutambira hurongwa uhwu vachiti ikodzero yemunhu wese yekuti awaniswe mvura pasina zvipingaidzo.

Makanzuru akawanda anonzi ambosendeka hurongwa hwekuti vagari vatange vatenga mvura yavachashandisa uhwu sezvo hwakonzera mutauro.

Hurumende inonzi inenge iri kutsigira hurongwa hwekuti vagari vashandise mvura yavanenge vatenga uhwu.

Hatina kukwanisa kubata vekanzuru yeChipinge kuti tinzwewo divi ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG