Accessibility links

Breaking News

MDC T Inobatsira Mhuri Dzakaparadzirwa Misha muMhirizhonga ya2008


Vanhu vakawanda vakasiiswa misha yavo munguva yemhirizhonga
Vanhu vakawanda vakasiiswa misha yavo munguva yemhirizhonga

Mhuri gumi nembiri dzakaparadzirwa misha nemhirizhonga yezvematongerwo enyika muna 2008 kuUzumba, Mashonaland East, mwedzi wapera dzakawana rubatsiro rwekuti dzikwanise zvakare kuvaka dzimba.

Rubatsiro urwu rwunonzi rwakaunganidzwa nevaimirira bato reMDC T musarudzo dza2013, VaPeckson Kazingizi, uye rwakazosvitswa kumhuri idzi nemutungamiri webato reMDC T, VaMorgan Tsvangirai.

Mhuri yoga yoga inonzi yakapihwa marata gumi, matsaga esimende mashanu uye madhofuremu maviri.

Bato reZanu PF ndiro rinopomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga yezvematongerwo enyika iyo inonzi yakaparadza misha yakawanda mudunhu reUzumba vanhu vane chitsama vakarasikirwa neupenyu, vamwe vakawanda vakakuvadzwa.

Mumwe wevakawana rubatsiro urwu, Amai Rosemary Machinga, vari kwaKatiyo, vanoti kunyange hazvo vakawaniswa rubatsiro urwu, harwuna zvikuru zvarwunovabatsira sezvo vakarasikirwa nezvinhu zvakawanda zvikuru.

Amai Machinga vanoti vakapisirwa imba yaive nemipanda minomwe, yekubikira neimwe yaichengeterwa midziyo.

Vanotiwo mumiriri wedunhu ravo uye vari gurukota redunhu reMashonaland East, VaSimbaneuta Mudarikwa, havanawo zvavari kuvabatsira nazvo sezvo vachiti vabatsirwe nebato ravo reMDC T.

Asi VaMudarikwa vanoti mashoko avakawana ndeekuti Amai Machinga vakazviparadzira voga musha wavo vachida kuti vawane rutsigirwo rwemwanasikana wavo aida kukwikwidza semumiriri weUzumba muna 2008.

VaMudarikwa vanoti vakaparadzirwa misha ava vakasarudza kusasvitsa zvichemo zvavo kuboka rekupodza mavanga rakanga raumbwa munguva yehurumende yemubatanidzwa, asi vave kuda kuvhura zvakare maronda akanga apora kare.

Hurukuro naAmai Rosemary Machinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaSimbaneuta Mudarikwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG