Accessibility links

Breaking News

Dzimba Dzopiswa Zvine Chekuita neMatongerwo eNyika?


Imba yaAmai Dongo yakapiswa muHarare. (Courtesy Image)
Imba yaAmai Dongo yakapiswa muHarare. (Courtesy Image)

Imba yeimwe mhuri inofungidzirwa kuti inotsigira chikwata chePeople First kuMurehwa South kuMashonaland East inonzi yakapiswa svondo rino.

Asi mutauriri wechikwata chePeople First, VaRugare Gumbo, vaudza Studio7 kuti havasati vave neruzivo rwuzere pamusoro penyaya iyi sezvo vachiri kungoita zvekunzwawo vachibvunzwa nevenhau.

Nhengo dzePeople First dzinonzi dzakanga dziri mudunhu iri pamwe nekuUzumba nguva pfupi yapfuura dzichitsvaga rutsigiro.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemunhu akapisirwa imba yake.

Mune imwewo nyaya, vanopikisa hurumende uye vakambotungamira bato reZimbabwe Union of Democrats, Amai Margaret Dongo, vanoti vanofungidzira kuti kutsva kwemba yavo muHarare kutanga kwaNdira kune chekuita nezvematongerwo enyika.

Amai Dongo vanoti vanofunga kuti imba yavo yakaita zvekupiswa nevanhu sezvo chiutsi chakabuda mumoto uyu chakanga chakasimba zvikuru uye chichikachidza.

Vanoti kunyange hazvo mapurisa akatora humbowo hwavaida, havana chavati vanzwa zvakare kubva kwavari.

Amai Dongo vanoti pakati peusiku hwemusi wa 7 Ndira 2016, vakamutswa nekuputika uye kupisa kwakanyanya kwakanga kwoitika mumba yavo kuRidgeview.

Vanoti moto uyu wakatangira pafafitera remba yaive yakarara mwanakomana wavo, izvo zvakaita kuti vafunge kuti ndipo pawakakandwa napo mumba.

“Ndakarasikirwa nezvinhu zvakawanda uye zvinokosha mari yakawanda inodarika zviuru gumi remadhora,” Amai Dongo vanodaro

Vanoti vakarasikirwa nemakombiyuta matatu, mbatya nemimwe midziyo pamwe nechidziro nedenga remba, izvo zvave kuda kutogadziriswa.

Vanotiwo vari kutyira hupenyu hwavo zvakanyanya kunyange hazvo aka kasiri kekutanga kuti vasangane nematambudziko akadai.

Mugore ra1995 vanoti imba yavo kuSt. Mary’s kuChitungwiza yakapiswa nebhambu rakakandwa mumba, chiitiko ichi chakadzokororwa zvakare vave kuSunningdale.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG