Accessibility links

Breaking News

Homwe Inobatsira Vanovhiringwa neMhirizhonga Youmbwa Mhiri kweMakungwa


Bato reMDC T rinoti nhengo dzaro dzakawanda dzakashungurudzwa munguva yesarudzo, dzimwe dzakasvika pakushaya
Bato reMDC T rinoti nhengo dzaro dzakawanda dzakashungurudzwa munguva yesarudzo, dzimwe dzakasvika pakushaya

Nekuona kutambudzika kunogaroita vana veZimbabwe vanenge vawirwa nedambudziko remhirizhonga rezvematongerwo enyika, uye kukanganiswa nayo, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvafunga kuumba homwe inobatsira vanhu ava.

Homwe yeZimbabwe Victims of Violence Fund, ZVVF inonzi yakanangana nekubatsira vanhu vose zvisineyi nekuti vanotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika uye kuti ndiyani akonzeresa mhirizhonga iyi.

Sachigaro wehomwe iyi, VaJustin Matewu, avo vamambokwikwidza vakamirira bato reMDC T mudunhu reBuhera West, vanoti sangano ravo rine muzinda muBritain asi riine nhengo munyika dzakawanda idzo dzinenge dzichishanda nevamwe vari muZimbabwe.

VaMatewu vanoti vari kumusha ava ndivo vanenge vachizoona pamwe nekukomekedza kusangano ravo vanhu vanokodzera kunge vachibatsirwa nesangano ravo.

Vanoda kuziva nezvehomwe iyi vanoenda pa website inoti www.zvvf.org iyo ichiri kuumbiridzwa.

Vanhu vanodarika zana rezviuru, vazhinji vari nhengo dze MDC, vakashurungudzwa zvakanyanya munguva yesarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokorodzwa muna 2008, izvo zvakasiya vakawanda varemadzwa uye vamwe varasikirwa nehupenyu hwavo.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakabuda nusarudzo iyi vachiti havapinde musarudzo ine ropa, izvo zvakasiya mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vari vega musarudzo iyi.

VaMugabe vakagadzwa semutungamiri wenyika, asi izvi hazvina kutambirwa nenyika dzakawanda izvo zvakazoita kuti munyika muve nenhaurirano dzakazoita kuti paumbwe hurumende yemushandira pamwe muna 2009.

Hurukuro naVaJaison Matewu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG