Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera Mumigwagwa Vakasungwa neMuvhuro Vonyimwa Mukana weKubvisa Chibatiso


Mapurisa ekanzuru yeHarare achinetsana nevanotengesera mumigwagwa; mufananidzo naThomas Chiripasi
Mapurisa ekanzuru yeHarare achinetsana nevanotengesera mumigwagwa; mufananidzo naThomas Chiripasi

Nhengo sere dzesangano revanotengesa mumigwagwa yeHarare, reVendors' Initiative for Social and Economic Transformation, idzo dzakasungwa nemusi weMuvhuro, dzanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekumiswa pamberi pedare remejasitiriti muHarare.

Vasere ava vanonzi vanzi vadzoke zvakare kudare nemusi weChishanu, apo vachazoziviswa kuti chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo chichanzwikwa.

Vasere ava vakasungwa mushure mekunge vaita hwagonzo nachin’ayi nemapurisa ekanzuru uye vanonzi vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga yakazoita kuti midziyo nezvivakwa zviparadzwe uyewo kukuvadza mupurisa.

Mhirizhonga yeMuvhuro yakatanga mushure mekunge mapurisa ekanzuru yeHarare aedza kubvisa vanotengesa ava mukati meguta pamwe nekutora zvinhu zvavo.

Mukuru wesangano reVendors' Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzayi, vanoti manyepo ekuti nhengo dzavo dzakakonzera mhirizhonga, vachiti mapurisa ekanzuru ndiwo akatokonzeresa mhirizhonga.

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vakatozivisa kare kuti havasi kuda kuzoona vanotengesa ava vachidzoka zvakare mumigwagwa.

Asi vanotengesa ava vanonzi vave kudzoka muguta kumanheru senzira yekunzvenga mapurisa panguva iyo makasitoma anenge ave kudzokera kudzimba vapedza mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG