Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neKutengesa Voomerwa neHupenyu


Les membres de la Céni s'activent, samedi 20 février à la mairie du 5e arrondissement de Niamey, afin que le scrutin de dimanche se déroule bien. (VOA/Nicolas Pinault)
Les membres de la Céni s'activent, samedi 20 février à la mairie du 5e arrondissement de Niamey, afin que le scrutin de dimanche se déroule bien. (VOA/Nicolas Pinault)

Rimwe sangano revanorarama nekutengesa zvinhu muguta reHarare rinoti nhengo dzaro dzaomerwa nehupenyu zvakanyanya mushure mekuparadzirwa nzvimbo dzekutengesera nekanzuru yeguta iri kuna Fourth Street.

Izvi zvakaitwa kutanga kwesvondo rino.

Mutungamiri wesangano reNational Vendors Union Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi, vanoti kanzuru yaiziva kuti kune vanotengesera munzvimbo idzi sezvo vaibhadhara mari zuva roga-roga kuitira kuti vabvumidzwe kutengesa.

Asi kanzuru yeHarare inoti yakatora danho iri senzira yekuchenesa guta sezvo zvivakwa izvi zvakaiswa zviri kunze kwemutemo.

Sangano reNational Vendors Union Zimbabwe nemusi weChishanu svondo rino riri kutarisirwa kusanangana nerimwe sangano revagari vemuHarare re Combined Harare Residents Association pamwe nesangano reTransparency International-Zimbabwe kuti vazeye nezvekuputswa kwezvivakwa uku.

Nekune rumwe rutivi, kanzuru iri kukurudzirawo kuti vanotengesa zvinhu ava vanyorese kuitira kuti vapiwe mvumo nenzvimbo dzekutengesera, danho riri kushoropodzwa nevamwe vanotengesa ava vachiti harisi kuitwa zviri pajekerere.

Kanzura weWard 8 muSoutherton, VaPeter Moyo, vanoti ivo vari kunzwira tsitsi vose vakakanganisirwa hupenyu hwavo nedanho rekanzuru iri, asi vari kukurudzirawo vanoita zvekutengesa ava kuti vatevere mitemo yekanzuru.

Panyaya yekuti vanhu vakanga vachibhadhara mari kukanzuru, VaMoyo vanoti vose vanenge vafunga kuti vabirwa mari dzavo vanofanirwa kuenda kumahofisi ekanzuru, sezvo misuwo ichigara yakazarurwa.

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi pamwe naVaPeter Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG