Accessibility links

Breaking News

Matare Anorambidza Hurumende Kubvisa Vanotengesa Mumigwagwa


Vanotengesera mumigwagwa vatora nzvimbo dzose muguta reHarare
Vanotengesera mumigwagwa vatora nzvimbo dzose muguta reHarare

Dare redzimhosva repamusoro neMuvhuro rarambidza hurumende pamwe nekanzuru yeguta kubvisa vanotengesera zvinhu zvavo mumigwagwa pasina hurongwa hwekwekuisa vanhu ava huripo.

Mutongo uyu unotevera nyaya yakakwidzwa kudare iri kuti inzwikwe nechimbichimbi nerimwe sangano rinomirira vanozvibatira mabasa emaoko, reZimbabwe Informal Sector’s Organisation, kana kuti ZISO.

Gweta riri kumirira sangano iri, VaChris Mhike, vanoti dare raturawo zvakare mutongo unopa masimba kugurukota rezvemukati menyika kuti rione kuti mauto enyika pamwe neJoint Operation Command (JOC) havapindire mukufambiswa kwemabasa negurukota rezvekutongwa kwematunhu pamwe nameya weguta reHarare.

Sangano reZISO raipikisa danho rakanga ratorwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramayi, pamwe nameya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, rekupa vanotengesera mumigwagwa mazuva manomwe ekuti vange vabuda mukati memaguta mavari kuitira mabasa avo.

Mazuva manomwe aya aipera nemusi weSvondo, asi hurumende neChishanu chapfuura yakazenge yaendesa mberi danho iri kumusi wa 26 Chikumi kuti vose vange vabuda mukati memaguta.

Gurukuto rezvemabhizimusi maduku neepakati, Amai Sithembiso Nyoni, vakati hurumende yakanga yatora danho iri mushure mekunge dare remakurukota rabuda negwaro rine hwaro hwekubata nahwo nyaya yevanotengesera mumigwagwa ava.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vanoona danho rehurumende iri sekudududza shure mushure mekunge yaona kutsamwa kwakanga kwaita veruzhinji nehurongwa uhwu.

Vanhu ava vanoti hapana hurongwa hwairatidza kuti hurumende yakanga yakagadzirira kwekuisa vanhu ava.

VaManyenyeni vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo vanga vasati vaona mutongo waturwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG