Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chotambira neMufaro Mukuru Basa kuUnited Nations


Dr. Fadzai Gwaradzimba
Dr. Fadzai Gwaradzimba

Munyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki-moon masvondo mashoma akapera vakadoma chizvarwa cheZimbabwe Dr. Fadzai Gwaradzimba semutevedzeri wavo anowona nezvekudzivirirwa kwenjodzi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji nezve dzimwe nyika dzemuAfrica nepasi rose zvakapembera nedanho rakatorwa naVa Ban iri.

Amai Gwaradzimba vava nemakore makumi maviri nemashanu vachishanda ne United Nations.

Vakadzidza kuPlumtree ndokuwana degree ravo rekutanga rezvematongerwo enyika kana kuti Bachelor of Political Science ne Public Administration kuUniversity yeZimbabwe pakutara nzira yavo yekushanda musangano guru repasi rose iri.

Amai Gwaradzimba, avo vane makore makumi matanhatu nemaviri ekuberekwa, vakamboshanda kumapazi akasiyana siyana eUnited Nations anosanganisira UN Development Programme vakashandirawo munyika dzinosanganisira Somalia, Gambia, Barbados nemuNew York muAmerica.

Vaudza VOA Studio 7 kuti vari kufara zvikuru nebasa guru ravakapihwa naVaBan uye kucherechedzwa kwavakaitwa.

“Ndiri kufara zvikuru. Handina kumbobvira ndakazvifungira kuti nerimwe zuva ndichange ndiri padanho rakadai repamusorosoro,” vadaro Amai Gwaradzimba.

Vakadzidza kuUsher kuPlumtree ndokuzoita zvidzidzo zvepamusoro kuUniversity of Zimbabwe vasati vaenda kuAmerica uko vakazoita zvimwe zvidzidzo zvepamusorosoro kuzvikoro zvikuru zveJohn Hopkins University neOregon.

Mai Gwaradzimba ndichiremba wekudzidza munyaya dzekudzidza nekudyidzana nedzimwe nyika kana kuti Doctor of Philosophy in International Relations.

Vanoti baba vavo ndivo vakavakurudzira kudzidza kuti vasvike pavari ipapo pari nhasi.

“Baba vangu vakati ndiri murombo asi nhaka yangu yandinokupa injere dzako saka ukashanda nesimba unowana nhaka yako,” vadaro Amai Gwaradzimba.

“Ndakakura ndichiti ndinoda kuzova poet kana kunyora mabhuku. Handina kumboti kana ndakura ndinozoda kuita mai, zvakazongoitikawo," vaenderera mberi Amai Gwaradzimba. "Handina kumboziva kuti ndaiva mukadzi nekuti taipihwa mikana yakayenzana, ndakatozozviona zvedambudziko remadzimai ndabuda kumba ndakunoshanda.”

Vati vane chido chekubatsira vechidiki vachiri kusimukira kuti vavadzidzise zvinodiwa kuitwa kuti munhu awone zvishuwo zvake zvichizadziswa.

Hurukuro naDr. Fadzai Gwaradzimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG