Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Votambira Zvirongwa zveUnited Nations


UN General Assembly
UN General Assembly

Sangano reUnited Nations gore rino rakavandudza maitiro arinosiita misangano yaro kuburikidza nekuti vechidiki vanobva kunyika dzakasiyanasiyana dzinosanganisira Zimbabwe vapindewo mumisangano iri kuitwa parutivi pemusangano mukuru weUnited Nations General Assembly.

Mumwe wevechidiki vari kupinda mumisangano iyi, Muzvare Beatrice Savadye, avo vanorwira kodzero dzevanhu vanoti vakauya kumusangano uyu kuti vataure pamusoro pehutungamiri huri kuitwa nevechidiki munyika dzakasiyanasiyana pamusoro pezvirongwa zvebudiriro.

Muzvare Savadye, vanove zvakare mukuru wesangano reReal Open Opportunities for Transformation Support, (ROOTS), vanoti nyaya huru dzavari kutaura nezvadzo inyaya dzakanangana nechirongwa chebudiriro cheSustainable Development Goals, icho chakatambirwa kumusangano uyu, uye nyaya yekuroodzwa kwevanasikana vachiri vadiki.

Vanoti mamiriyoni gumi nemashanu evanasikana vari kuroodzwa vachiri vadiki mupasi rose gore roga roga.

“Tinofanirwa kutotsvaga ma strategy ekuti tigadzirise izvozvo zvekuti pane vamwe vanhu vasiri kukwanisa kuwana ma services nekushaya,” vanodaro Muzvare Savadye.

Muzvare Savadye vanotiwo vanoona kuti panyaya yekuenzaniswa kwemikana pachine zvakawanda zvinoda kuti zvigadziriswe zvinoita kuti chirongwa chebudiriro, che Sustainable Development Goals chibudirire.

“Imwe yema Sustainable Goals inotaura kuti tideredze hurombo, saka ne economy yedu zvayakaita zvinonetsa kuti tinohuderedza sei,” vanodaro Muzvare Savadye.

Vanokurudzira kuti panofanirewa kuwanikwa nzira dzekuti hurombo ihwohwo hungaderedzwa sei kuitira kuti nyika ikwanise kuzadzisa zviga zvechirongwa chebudiriro ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG