Accessibility links

Breaking News

Ko Takakutadzireiko?-VaMugabe Vobvunza America kuUnited Nations


VaRobert Mugabe kuUN General Assembly
VaRobert Mugabe kuUN General Assembly

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe neMuvhuro vabvunza nyika yeAmerica kuti chii chaizvo chayakatadzirwa neZimbabwe.

Vachitaura pamusangano weUnited Nations General Assembly wechimakumi manomwe uri kuitirwa kuNew York muAmerica, VaMugabe vakurudzira kuvandudzwa kweUnited Nations Security Council uye kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika zvibviswe.

VaMugabe vati Zimbabwe yakagadzirira kuti inge ichi dyidzana murunyararo nenyika dzakabudirira asi nyika idzi hadziiremekedzi uye dzinoda kuti hurumende yavo ibviswe pachigaro nechisimba.

“Haitidi hondo, hatidi kushandurwa kwehurumende iri kutonga,” vadaro VaMugabe. “Tine runyararo muZimbabwe, uye hatidi kupindira kwedzimwe nyika.”

Vashorawo kurudziro munyaya dzechingochani yavati iri kuitwa nedzimwe nyika dzavati dzinozviona sekunge ndidzo vakuru vakuru, vakachemawo nezvirango zvavati zvakatemerwa nyika yavo nevekumawirira.

“Hatisi ngochani isu,” vadaro VaMugabe mumashoko avo kumusangano uyu.

Vatiwo havazive kuti mhaka yakaparwa kunyika yeAmerica neZimbabwe ndeyeyi chaizvo.

VaMugabe vatiwo United Nations haifanire kuti irambe ichi tungamirwa nenyika shanu chete vachiti izvi zvichazopa kuti vamwe vanhu vagume vashaya chivimbo nesangano iri.

VaMugabe vati nyika dzemu Africa dzave nemakore akawanda dzichirwisa kuti United Nations ivandudzwe asi chabuda hapana.

Nyika dzinoti United States of America, China, France, Russia ne Britain ndidzo dzine masimba kudarika dzimwe nyika dzose,zikuru panyaya yekuvha kuUnited Nations.

Zvichakadaro, vachiparura musangano weUN General Assembly uyu, munyori mukuru wesangano iri VaBan ki-Moon vakurudzira vatungamiri venyika dzepasi rose kuti vaise misoro pamwechete kuti vapedze dambudziko rekurwisana muSyria, umo mune hondo yasiya vanhu zviuru mazana maviri vasina pekugara izvo zvopa kuti vaende kunopotera kune dzimwe nyika.

VaBan vakurudzirawo nyika dzepasi rose kuti dzibatane mukurwisa vanopfurikidza mwero vakaita seIslamic State iyo yarura kuSyria nekuIraq.

Vamwe vatungamiri venyika vataura vanosanganisa mutungamiri wenyika yeAmericaVaBarack Obama avo vataura nezvekukosha kwerunyararo pasi rose.

VaObama vakakurudzira kuti mutungamiri weSyria VaBashar Al Assad vasiye basa kuti munyika iyi muve nerunyararo.

Asi mashoko aya apikisana neemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin avo vati VaAl-Assad havafanire kusiya chigaro.

Mutungamiri wenyika yeChina VaXi Jinping vati nyika yavo hainei nekupindira kune zviri kuita kune dzimwe nyika vachiti vachamira nenyika dzichiri kubudirira dzakaita seAfrica.

Vati vachapa United Nations bhiriyoni rimwechete remadhora kubatsira nyika dziri kubudirira.

Vatiwo vachapa Africa mari inosvika zviuru zana zvemadhora kuti iumbe sangano reAfrican Union rinochengetedza runyararo.

Vamwe vataura pamusangano uyu mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma, avo varatidza kutsigira Iran vachiti yakasununguka kuenderera mberi nehuronga hwekugadzira nuclear ino shandiswa sesimba remoto murunyararo vachiti iyi ikodzero yenyika iyi.

Vatiwo chibvumirano chakaitwa neIran nenyika dzakabudirira chakanaka chose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG