Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai vokurudzira Vadare muMDC-T Kudzokera kuVanhu


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vakurudzira nhengo dzebato ravo dziri muparamende kuti dzigopota dzichidzokera kumatunhu adzinomirira dzichizivisa vanhu vakadzisarudza zvinenge zvichitora nzvimbo mungave muhurumende kana mubato.

VaTsvangirai vataura mashoko aya pamusangano wavaita kumahofisi ebato ravo muHarare nenhengo dzeparamende dzeMDC T dzinosvika makumi masere.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvimwe zvakurukurwa pamusangano uyu zvinosanganisira hwaro hwebato rakatarisa kusarudzo dzemunyika dzichaitwa muna 2018, bumbiro rebato idzva nekuumbwa patsva kwemusangano.

Nhengo dzeparamende kubva kumapato ose dzinonzi dziri kutadza kushanyira matunhu adzinomirira dzichiti handina mafuta ekufambisa, sezvo dzisiri kuwana mafuta adzinofanirwa kunge dzichiwana.

VaMwonzora vanotiwo VaTsvangirai, avo vanga vachiperekedzwa nestanding committee yebato ravo, vatorawo mukna uyu kuzivisa nhengo dzeparamende idzi nezvegadiziriro yekongiresi yebato ravo, iyo iri kutarisirwa kuitwa kubva musi wa30 muna Gumiguru kusvika musi wa 1 Mbudzi.

Bato reMDC T rine zvakawanda zvinotarisirwa kuti ringe ragadzirisa zvinosanganisira bumbiro remitemo rebato iri, iro rinonzi nevamwe riri kuda kupa masimba akawandisa kumutungamiri webato, richitapudzawo emunyori mukuru webato.

Asi VaTsvangirai vanoti bumbiro rinoshandurwa chete kana matunhu ose awirirana kuti rivandudzwe. Vati izvi zvinoitwa nguva dzose apo bato rinenge ratarisana nekongiresi.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG