Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveSADC muAmerica Zvoita Mitambo muMaryland


Southern African Community U.S.A.
Southern African Community U.S.A.

Vanhu vanobva kunyika dziri kuchamhembe kweAfrica vari muAmerica vari kuungana mudunhu reMaryland kwemazuva maviri Chishanu neMugovera, vachiita mitambo yakasiyanasiyana senzira yekusimbisa hukama hwavo.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa hwemitambo iyi, uye vari mumwe wevakuru vesangano riri kuronga mitambo iyi, reSouthern African Community U.S.A, SACU, Amai Cassandra Sibanda-Guni, vanoti neChishanu manheru vanhu vachaungana vachitandara muSilver Spring, uko kunenge kuchiratidzwawo mbatya dziri kugadzirwa nezvizvarwa zvinobva kunyika dzinosanganisira Zimbabwe, Botswana neZambia.

Amai Sibanda-Guni vanoti neMugovera vanhu vachaungana muHoward County uko vanenge vachitandadzwa nemitambo inosanganisira nhabvu, bhora remadzimai, mimhanzi pamwe nekugocha nekunwa.

Rino rave gore retatu vana venyika dziri muSADC vachiungana pamwe chete vachitandadzana.

Sangano reSouthern African Community U.S.A rinobatsirawo zvakare zvizvarwa zvenyika idzi nezvakasiyanasiyana, zvinosanganisira magweta anodzidzisa vanhu nezvematanho avanokwanisa kutora kana vachida kubatsirwa nezvekugara muAmerica.

Amai Sibanda-Guni vanotiwo zvizvarwa zvenyika dziri kuchamhembe kweAfrica zvose zvakasununguka kubatana nesangano ravo padendemutande rinoti www.southernafricancommunity.org.

Vanotiwo vanotarisirawo kuti zvizvarwa zvenyika dzemuSADC zviri kune dzimwe nyika zviri kuitawo zvimwezvo, zvekubatana vari kunze kwenyika, kuitira kubatsiranawo zvakare munguva dzematambudziko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG