Accessibility links

Breaking News

Makundano eMitambo yeCastle Lager Premier Soccer League Yodzoka


Zvikwata zvakanga zvichimbotamba mumitambo yeChibuku Super Cup
Zvikwata zvakanga zvichimbotamba mumitambo yeChibuku Super Cup

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yadzoka mushure mekumbopa nguva kuChibuku Super Cup.

Chikwata chiri kutungamira cheChicken Inn chiri panguva yakaoma zvikuru apo chiri kusangana nevavakidzani vacho veHow Mine panguva yakaoma chaizvo makwikwi osvika panguva yakaoma.

Mutambo uyu wauya apo How Mine yanga isingatambe zvakanaka zvekuti kukunda kwayo mumutambo uyu kunoita kuti vakanganwe zvanga zvichiitika masvondo mashoma achangopera.

Masvondo maviri apfuura How Mine yakanyadzisa apo yakadamburwa 3-0 neZPC Kariba mumakundano eChibuku Super Cup asi mumwe muteveri wenhabvu VaMisheck Chisaga vanoti Chicken Inn isatarisire How Mine pasi.

Panguva imwecheteyo chikwata chiri pachinhanho chechipiri cheFC Platinum chiri kutarisirwa kubuda nemapoinzi ese matatu apo chiri kutamba neHwahwa kuMandava neMugovera asi Dynamos iri parumananzombe neHarare City neSvondo.

Harare City yanga isingatambe zvakanaka mumakwikwi emutambo uyu asi matambiro ayanga ichiita mumakwikwi eChibuku Super Cup anofanira kutyisa vatsigiri veDynamos.

Mumitambo mitatu yeChibuku Super Cup chikwata ichi chakanwisa zvibodzwa gumi nezviviri.

Mimwe mitambo iriko neMugovera yakamira yakadai;

How Mine vs Chicken Inn (Luveve)

ZPC Kariba vs Caps United (Nyamhunga)

FC Platinum vs Whawha (Mandava)

Bufffaloes vs Tsholotsho

NeSvondo mitambo yakamira yakadai;

Dynamos vs Harare City (Rufaro)

Highlanders vs Dongo Sawmill (Barbourfileds)

Triangle vs Flame Lily (Gibo)

Hwange vs Chapungu.

Mumutambo wekiriketi, Zimbabwe yakunda chikwa cheIreland nemawiketi maviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG