Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoti Yakagadzirira Kupedza Chirwere cheTyphoid


Vanhu vari kukurudzirwa kuti vashandise mvura yakachena
Vanhu vari kukurudzirwa kuti vashandise mvura yakachena

Kanzuru yeguta reHarare inoti yatotanga kutora matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere cheTyphoid, icho chinonzi chabata vanhu vanosvika gumi nevashanu kusvika pari zvino, avo vanonzi vakwanisa kurapwa.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti matanho atorwa nekanzuru yavo anosanganisira kugadzirira zvakakwana kwemapoka ekanzuru akaita sere kutakurwa kwemarara pamwe nekuona kuti vanhu vawaniswa mvura yekunwa yakachena.

“Hatisati tave kuti zvedu idambudziko guru kwazvo kana kuti outbreak nekuti chirwere ichi hachisati chabata vanhu vanosvika makumi matatu kana makumi mana,” VaChideme vanodaro.

Vanotiwo kanzuru iri kuita dzidziso muzvikoro uyewo kutaura neveruzhinji kuti vasatenge chikafu kubva kune nzvimbo dzisina kutsarukana, zvikuru vanotengesera mumigwagwa.

VaChideme vanoti rimwe danho ravatorawo ndere kuona kuti zvivakwa zvevanhu vari kutengesa chikafu zviri kunze kwemutemo munzvimbo dzakaita sepamusika weMbare vaparadza nzvimbo idzi.

Chirwere cheTyphoid chinonzi chakaonekwa mumisha yeGlen Norah, Glen View, Budiriro, Hopley neHatfield.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG