Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Kukadzi 2, 2016


Shona
Shona

Muchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vomiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo mukuita basa ravo rekuchuchisa….

Hurumende yokurudzira kutengeswa kwemombe dziri mumatunhu asina mvura nemafuro….

IMF yotsvaga nzira dzekubatsira Zimbabwe kuti ipedze kubhadhara chikwereti chayo panguva iyo mumwe seneta wemuAmerica ari kukurudzira hurumende yaVaBarack Obama kuti ishandise simba rayo mukuona kuti Zimbabwe yabhadhara zvikwereti zvayo zvose nekuremekedza kodzero dzevanhu isati yatanga kukwereteswa zvakare neIMF….

Muchirongwa chevechidiki che The Connection tiri kutarisa mashoko aVaMugabe kuAfrican Union ekuti Africa itsvage nzira dzekumisa vechidiki kuti vasabude munyika dzavo vachinogara kudzimwe nyika….

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

XS
SM
MD
LG