Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri 29 Gunyana 2015


Studio 7
Studio 7

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanotaura kumusangano weUnited Nations General Assembly vachibvunza America kuti chii chaicho chayakatadzirwa neZimbabwe. Tichakupai pfungwa dzevamwe pamusoro pemashoko aVaMugabe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vokurudzira VaMugabe kuti vasiyane netsika yavo yekuchema nezvirango asi ivo vachitadza kugadzirisa zvakamboita kuti Zimbabwe itemerwe zvirango izvi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinorwira kodzero dzengochani chowana mubairo wehushingi, panguva iyo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kushoropodza hungochani kumusangano weUnited Nations General Assembly

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakamirira magwaro ekuti zvishande pamwe nekugara muSouth Africa, eZimbabwe Special Permit, zvobatira ura mumaoko sezvo chirongwa ichi chotarisirwa kupera mwangana sezvo zvisisazivi remangwana zviri munyika iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk Youth Connection na 8:30 pm tiri kutarisa nezvemusangano weUnited Nations General Assembly uri kuitirwa kuNew York muAmerica.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 KiloHertzs paShortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG