Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro 28 Gunyana 2015


Studio 7
Studio 7

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe votarisirwa kutaura kumusangano mukuru weUnited Nations muNew York nhasi. Mutori wedu wenhau Blessing Zulu achatipa zviri kuitika kumusangano uyu.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kupomerwa mhosva yekubatsira chizvarwa chekuAmerica kuvhima nekuuraya shumba yaive nemukurumbira Cecil, chomiswa pamberi pedare redzimhosva.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvofadzwa zvikuru nekusangana naPope Francis kumusangano wemhuri wakaitirwa kuPhiladelphia, muno muAmerica nezuro.

Tichakupaiwo hurukuro yedu negurukota rezvehutano Doctor David Parirenyatwa pamusoro pekutambirwa kwechirongwa chemakore gumi nemashanu chakanangana nekupedza nzara, kudzikisa kusiyana

kwemikana pamwe nekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza.

Munhau dzedu dzemitamo Dynamos inorova Chicken Inn mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30 pm tiri kutarisa nezvemusangano weUnited Nations General Assembly uri kuitirwa kuNew York muAmerica.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG