Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Vamwe Vana Vachikundikana Kudzokera neKushaya Mari


Vamwe vabereki vanonzi vakundikana kuunganidza mari dzinodiwa muzvikuru, zvikuru vanogara kuzvikoro zvebhodhingi
Vamwe vabereki vanonzi vakundikana kuunganidza mari dzinodiwa muzvikuru, zvikuru vanogara kuzvikoro zvebhodhingi

Zvikoro zvavhurwa neChipiri munyika kutangisa kotoro yetatu paine mashoko ekuti huwandu hwevana vechikoro vakwanisa kudzokera kuzvikoro, hwakadzikira zvikuru zvichienzaniswa nekotoro yapera.

Mukuru wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe, uye vachidzidzisa paChemhanza kuWedza, Mashonaland East, VaObert Masaraure vanoti mashoko avatambira kubva kunhengo dzavo anoratidza kuti vana vanechitsama, zvikuru vekumabhodhingi vakundikana kudzokera kuzvikoro.

Vanoti tsvagurudzo yavo inoratidza kuti kuomerwa kwevamwe vabereki, uye kurasikirwa kwevamwe nemabasa ndiyo honzeri hombe padambudziko iri, asi vachiti vane tarisiro yekuti zvimwe mumazuva anotevera zvinhu zvchareruka.

VaMasaraure vanotiwo vashandi vehurumende vanga vachitarisirwa kunoverenga varairidzi pamwe nevana vechikoro muzvikoro havana kuzobudirira kuenda kune zvimwe zvikoro zvekumaruwa sekuziviswa kwazvakanga zvaitwa.

Asi vanoti varairidzi vakawanda vaswera vakabatira ura mumaoko vasingazivi remangwana ravo pamusoro pechirongwa chekuvaverengwa kwevarairidzi vari pamabasa ichi, sezvo chakaitwa pekutanga chakaita kuti vamwe varairidzi vamisirwe mari dzavo dzemihoro.

VaMasaraure vanoti kunyange hazvo vakange vaziviswa kuti hurongwa uhwu huchaitwa musi unovhurwa zvikoro, varairidzi vari kutya kuti chirongwa ichi inzira yekudimura nayo huwandu hwevarairidzi.

Hurumende yakazivisawo kuti kubva musi weChipiri Gunyana 8 2015 vashandi vehofisi yePublic Service Commission vanenge vari muzvikoro zviri mumisha yeHatfield neMbare mudunhu reHarare vachiverenga misoro yevarairidzi pamwe nevana vechikoro.

Hurumende inoti iri rimwe rematanho ekuedza kwayo kuona kuti vashandi vayo vakawanda zvakadii sezvo mari yayo zhinji iri kuperera mukubhadhara vashandi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG