Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvikoro Zvotorera Matanho Vabereki Vane Zvikwereti


Mutemo unonzi haubvumidzi zvikoro kuti zvidzinge vana vasina kubhadhara mari dzeruvako nedzidzo
Mutemo unonzi haubvumidzi zvikoro kuti zvidzinge vana vasina kubhadhara mari dzeruvako nedzidzo

Kotoro yetatu yezvikoro yatanga neChipiri zvichitevera kuvhurwa kwaitwa zvikoro munyika.

Vabereki vakawanda vataura neStudio 7 vanoti havana mari dzekubhadharira vana vavo sezvo zvinhu zvisina kumira zvanaka munyaya dzehupfumi.

Vakawanda vavo vanoti vane zvikwereti zvavari kutadza kubhadhara kuzvikoro, izvo zviri kuita kuti vana vavo vafanirwe kudzingwa chikoro.

Asi mutemo haubvumidzi kuti zvikoro zvidzinge vana ava, izvo zvakazoita kuti gurukota rezvedzidzo yepasi neyepamusoro, VaLazarus Dokora, vakurudzire vabereki vane zvikwereti kuti vabhadhare mari dzezvikoro, kukundikana kwavo votorerwa matanho ekuendeswa kumatare.

Zvikoro zvekumaruwa zvizhinji zvinonzi zviri kuendesa vabereki vane zvikwereti ava kumatare emasabhuku, masadunhu kana madzishe, uko vari kunzi vari kupiwa nguva yekuti vabhadhare.

Kana vakundikana panopera nguva iyi, vabereki ava vanonzi vari kuzotorerwa midziyo yavo, pachiteverwa kurudziro yaVaDokora iyi.

Ishe Chihota, VaEdson Chihota, vanoti ivo mudunhu ravo vari kukurudzira vabereki nevatungamiri vezvikoro kuti vatsvage nzira dzekugadzirisana pasina kutorerana matanho akaita sekuketurirwa pfuma kana kutorerwa midziyo.

Ishe Chihota vanoti vabereki vanenge vaine zvikwereti vanofanirwa kupiwa mabasa ebudiriro ekuita pazvikoro panodzidza vana vavo. Vanoti vanenge vazotadzawo kuita izvi ndivo vanogona kuzotorerwa matanho makukutu.

Zvichakadaro, rimwe sangano revairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti zvikoro zvavhurwa mukati mekuoma kwezvinhu mune zvematongerwo enyika pamwe neupfumi, izvo zvapinzawo matambudziko munyaya dzedzidzo munyika.

Mugwaro raburitswa nesangano iri, PTUZ inoti hapana hany’a kubva kune vezvematongerwo enyika yekuti vapfumise bazi redzidzo munyika kuburikidza nekutsvaga zvinoda kushandiswa muzvikoro.

PTUZ inoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kuona kuti yawanisa vana dzidzo yepamusoro uyewo kubata varairidzi neruremekedzo rwakakodzerana navo pamwe nekuvabhadhara mihoro yakakodzera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pagwaro rePTUZ iri.

Hurukuro naIshe Edson Chihota
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG