Accessibility links

Breaking News

America Inowedzera neGore Zvirango Zvakatemerwa Zimbabwe


Mutungamiri weAmeirca, VaBarack Obama
Mutungamiri weAmeirca, VaBarack Obama

Hurumende yeAmerica inoti yawedzera negore zvirango zvayakatamera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nehurumende yavo.

Mugwaro rakaburitswa neAmerica neChitatu, mutungamiri wenyika, VaBarack Obama, vanoti hurumende yavo yatora danho iri sezvo Zimbabwe iri kuramba ichimbunyikidza hutongo hwejekerere.

Vati hurumende yavo inopikisa maitiro akadai.

Zvirango izvi zvinouya panguva iyo sangano reEuropean Union rakabvisa ruzhinji rwevanhu vaive pazvirango richingosiya VaMugabe nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pamwe nekambani yehurumende inogadzira zvombo yeZimbabwe Defence Industries.

Izvi zviri kuitika panguva iyo Britain iri kutarisirwa kutuma nhume kuZimbabwe svondo rino mukuedza kwayo kumutsiridza hukama nehurumende yaVaMugabe.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti kuramba hurumende ichityora kodzero dzevanhu pamwe nekunonoka kuita kuti mitemo idyidzane nebumbiro idzva, ndezvimwe zviri kuita kuti zvirango zvirambe zviripo.

VaMangongera, avo vanobvuma zvavo kuti havaoni kushanda kwezvirango izvi, vanoti chiri kunyanya kutariswa nehurumende yeAmerica kuchengetedzwa kwekodzero dzevana veZimbabwe nehurumende yavo.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, Vagadzira Chirumhanzu vanoti zviri kuAmerica kuisa kana kubvisa zvirango, sezvo hurumende, mutungamiri wenyika pamwe neZanu PF vasina hany’a nazvo.

VaChirumhanzu vanoti hurumende yeZanu PF inotambirawo nemaoko akawanda danho rave kutorwa neBritain rekuedza kugadzirisa hukama hwayo neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG