Accessibility links

Breaking News

Sangano reSACU Robatanidza Vanhu vekuChamhembe kweAfrica muAmerica


Gore roga roga SACU inoronga mabiko anobatanidza zvizvarwa zvenyika dziri muSADC zviri muAmerica
Gore roga roga SACU inoronga mabiko anobatanidza zvizvarwa zvenyika dziri muSADC zviri muAmerica

Zvizvarwa zvenyika dzekuchamhembe kweAfrica zviri kugara muno muAmerica zvakaungana kuMarriotsville, mudunhu reMaryland muAmerica zvichitandara pamwe nekunwa nekugocha.

Kwakavewo nemitambo yakasiyanasiyana inosanganisirawo nhabvu yevanhurume.

Mumwe wevakanga vachidya zvavo nyika rutivi ndiMuzvare Oppah Chiweshe, avo vanoti vanofarira kunzi VaChihera, vachibva kwaMusana kuMashonaland East, asi vachigara muGaithersburg muMaryland.

VaChihera vanoti vanogamuchira nemufaro mukuru hurongwa hwekuti vanhu vemuSADC vabatane.

Mumwe wevakanga vari pagungano iri ndiAmai Abigail Nyamapfeni, avo vanotiwo vanoshuvira kuti shoko rekubatanidza vanhu iri rinoparadzirwa kune vanhu vakawanda kuitira kuti chirongwa ichi chisvike kune vanhu vakawanda.

Amai Portia Kandemiri, vanobva kuUzumba asi vachigara muSilver Spring, muMaryland vanotsinhiranawo nepfungwa yaAmai Nyamapfeni yekuti hurongwa uhwu hwunoda kushambadzwa zvakanyanya.

Amai Kandemiri vanotiwo vanoona remangwana reSACU rakajeka sezvo vari kutungamira sangano iri vakangwarira basa ravo

“Ramangwana reSACU I think rakajeka nekuti vanotungamira vacho vanhu vanomhanyamhanya,” vanodaro mai Kandemiri.

Mutambo weSACU wapinda mugore retatu, uye unopawo mukana kune vanoita zvemaoko zvakafanana nekusona mbatya nezvimwe zvakadaro.

Mumwe wevari kutungamira sangano reSACU Amai Cassandra Sibanda-Guni vanoti vari kufadzwa zvikuru nekutambirwa kuri kuitwa kurudziro yekubatana iyi neveruzhinji.

“Kubvira gore ratatanga kusvika rino gore rave rechitatu, vanhu vari kufara nekuti zvaiitika taiti maZimbabweans pakakona kedu, vekuMalawi vachiita zvimwe chete, vekuSouth Africa vachiita zvimwechete, zvino takaona zvakakodzera kuti tinge tichibatana tiri vana vekuAfrica tiri pamwe chete tichifara,” vanodaro Amai Sibanda-Guni.

Sezvo nhanho dzemwana dzekufamba dzichiwedzerawo nekukura kwake, vakawanda vakaungana kumafaro aya vanoti vanotenderana nekuti remangwana reSACU rakajeka.

Izvi zvinonzi zvichabatsirawo vakawanda vari kunze kwenyika vanoshuvira kuti dai vari kumusha vachitandara nehama dzavo.

Nyika dzose dziri muSADC dziri gumi neshanu dzakanga dzakamirirwa pamabiko aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG