Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatendi veRoman Catholic Votsika Madziro Vachiramba Kuvandudzwa kweMitemo yeKereke


Pope Francis
Pope Francis

Vamwe vatenderi vechiKatorike kwaMutare, kuManicaland vari kutsika madziro panyaya yekuda kurerutswa kwezvinhu muchechi iyi pamwe nekuda kushandurwa kwemimwe mitemo.

Zviri kupokanwa nazvo nevatendi ava zvinosangaisira mvumo inonzi iri kuda kupiwa nemukuru wechechi iyi Pope Francis yekuti vatenderi vakawanana vanokwanisa zvavo kuzorambana, kubvumirwa zvakare kwekushandisa nzira dzakasiyana-siya dzekuronga mhuri uye kutambirwa kwengochani muchitendero.

Vazhinji vanopinda chechi yeRoman Catholic Church vanoti kurerutswa kuri kuda kuitwa mitemo musangano ravo nemukuru wavo Papa Francis kuchapa kuti pave nezvinetswa zvakawanda kwazvo.

Papa Francis vanonzi vari kushandura zvinhu zvinechitsama mukuita kwechechi iyi zvinosanganisira kutambirwa kwekuputswa kwemichato. Parizvino, chichi iyi inoti muchato wasungwa pasi wasungwa kudenga.

VaStanford Fulutuna ndi catechist pachechi yeRoma mumusha weHobhouse paSacred Heart Parish kwaMutare.

VaFulutuna vanoti muchato unenge wasungwa muchechi haufanire kugurwa uye dzamara vachati vaparadzaniswa nerufu chete.

Vanoti kuvandudzwa kuri kuda kuita mutemo uyu kuchapa matambudziko akawanda mune remangwana.

Vamwewo vanowirirana naVaFulutuna ndimuzvare naKayi Kuzwayo avo vanopinda chechi yeRoma iyi zvakare. Muzvare Nakayi vanoti kubvumira kugurwa kwemichato kuchapa kuti misha mizhinji akanganisike.

Amai Gladys Manema mutenderi weRoman Catholic; uye vanoti sakaramende yemuchato inokosha samara zvekuti hapana chinofanirwa kushandurwa pairi.

Mukomaana wechidiki Andrew Chikukwa anoti sakaramende remuchato iri pakati pamamwe masakaramende ekereke anokoshoswa zvinopa kuti wanano yevaviri vachato haifanirwi kuitwa zvemahumbwe nayo zvekuti ityorwe chero padirwa.

Panyaya yehungochani iyo yanetsa pasi rose muchechi iyi apo Papa Francis vasiri kuda kubuda pachena nekuitsoropdza vatenderi vechechi iyi vanoti chingochani hachina mukana wekuti chigashirwe muchechi.

Papa Francis vachitaura nezvenyaya iyi vanonzi vakati ivo vangadii nazvo havadi kutongera vanhu sezvo riri basa raMwari rekutonga sekugona kwavo.

VaFulutuna vanoti tsika yehungochani haina painokwana mukereke.

Amai manema vanotiwo tsika yekuitana murume mukadzi iyi haina payo pasi rino sezvo kunyangwe nemuBhaibheri ichishorwa.

Muzvare Kuzwayo vanoti mwari akasika nyika denga nepasi akaumba munhurume nemunhukadzi nechikonzero; kwete zvave kuitwa mazuvano zvekatsika aka.

VaDadirai Mutasa vanoti Papa Francis mumashoko avo panyaya yengochani ari pachena kuti havazi kudzitsigira, asi kuti vari kutsanangura kuti havazivo mutongi pakuita uku.

Andrew Chikukwa anoti Jehovha havana kusika Adam naAdam kana kuti Eve naEve nechikonzero. VaChikukwa vanoti kuita kwaMwari hakufanirwi kupikiswa nevanhu.

Amai Albertina Fulutuna vanoti kupokana nekuronga kwaMwari nguva dzose ndiko kuchiri kupa matambudziko pasi rino.

Vanoti nguva zhinji vanhu vanosiya zvinhu zvakarongwa naMusikavanhu vachida kuita zvinofadza nyama zvichikanganiswa mweya yavo setsika yehungochani iyi.

Vatenderi ava veRoma vanotiwo kushandiswa kwenzira dzakasiyana siyana dzekuronga mhuri hakuna kuvashatira kunyangwe vakuru vechechi iyi vasingakurudziri tsika iyi sezvinotsanangurwa naAmai Manema.

Amai Fulutuna mumwe wevamwe vanowirirana nemutemo wechechi wekusabvuma kushandisa zvekuronga mhuri.

Asi vaMutasa vanoti sekuona kwavo hapana chakaipa pakuronga mhuri sezvo vanhu vachifanirwa kubereka vana vavanokwanisa kuriritira nenzira kwayo inodiwa naNyadenga.

Pasi rose rine vatenderi veChiRoma vanosvika 1.2 bhiriyoni, apa muZimbabwe muine vatenderi vechechi iyi vanosvika miriyoni imwechete, chinova zvikamu zvisere kubva muzana zvehuwandu hwevanhu vemuno.

Tichiri panyaya yekushanya kwaPope Francis kuAmerica, chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muMaryland, uye vachipinda Roman Catholic, Father William Guri vanoti vanoona kushanya kwaPope kwakakosha zvikuru muchechi yavo yechiKatorike.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Father Guri vanoti sezvo vari ivo mukuru wekereke pasi rose, vane basa rehutaririri munyika dzose.

"Asi nepamusana pekuti munhu mumwechete, haakwanisi kuti asvike kunyika dzese kune makatorike ake, ndosaka paanenge akwanisa kusvika kunyika sezvaaita kuno kuUnited States zvakakosha chaizvo," vanodaro Father Guri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG