Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vopokana neRBZ paHuwandu hweMari Ichatumirwa Gore Rino Kumusha


RBZ inoti iri kunyevenutsa mitemo yekutumira mari kumusha uchigara kunze kwenyika
RBZ inoti iri kunyevenutsa mitemo yekutumira mari kumusha uchigara kunze kwenyika

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakazivisa svondo rapera kuti gore rino nyika iri kutarisira kuwana mari inogona kudarika bhiriyoni rimwe chete remadhora kubva kuzvizvarwa zvayo zviri kunze kwenyika.

Mari iyi yakwira kubva pa $837m yakawanikwa gore rapera.

Mari yakawanda inonzi inobva kuzvizvarwa zvenyika zviri kuSouth Africa, ichiteverwa neUnited Kingdom, United States nedzimwe nyika dzakawanda dzakapararira vana veZimbabwe.

Bhanga iri rakazivisawo kuti ravhura nzira dzakawanda dzekuti vanhu vari kunze kwenyika vakwanise kutumira mari kumusha, kuburikidza nekuwanisa mikana yakawanda vamwe vanoda kupindawo mubhizimusi rekupinzwa nekubuda kwemari munyika.

Asi zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zviri kunze kwenyika zvinosanganisira vanoongorora zvamatongerwo enyika uye vachidzidzisa paTswane University of Technology, kuSouth Africa, VaRicky Mukonza, zvinoti hurumende inofanirwa kutanga yagadzirisa hukama hwayo nevana vayo vari kunze kuitira kuti pave nechivimbo pakati pavo.

VaMukonza vanotiwo hurumende inofanirwa kujekesa nyaya ye Dual Citizenship, iyo iri kuramba yakahwandiswa, kunyange hazvo bumbiro remitemo rakaitambira.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGofrey Kanyenze, vanoti havaoni mari iri kutarisirwa neRBZ iyi ichipinda munyika yose nenzira dzakatsarukana, sezvo vazhinji vevana vari kunze kwenyika vachishandisa nzira dzepasi kutumura mari dzavo.

VaKanyenze vanoti vanotsinhira nyaya yekuti hurumend iwumbe hukama hwakanaka nevana vayo sezvinoitwa nedzimwe nyika dziri kusimukira nekuda kwemari dzinotumirwa nezvizvarwa zvadzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00

XS
SM
MD
LG