Accessibility links

Breaking News

MDC-T ne MDC Renewal Team Zvorwira Mari Inopihwa Mapato neHurumende


Makakatanwa abuda pakati pebato eMDC T nechikwata cheMDC Renewal Team zvichitevera tsamba inonzi yakanyorwa nehurumende ichida kunzwa kuti kana yoburitsa mari yemapato ezvematongerwo enyika ichagovanwa sei zvichitevera kupatsanuka kwebato iri gore rino.

Mari iyi inopihwa mapato pasi pemutemo Political Parties Finance Act.

Zvinonzi gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakanyora tsamba iyi vachida kuti veMDC T neMDC Renewal Team vatsanangure kuti vachagovana sei mari iyi kana ichinge yabva kuhurumende.

Zvinonzi hurumende iri kuda kudzivirira dambudziko rakamboitika zvakare muMDC panguva yakatsemuka bato iri kekutanga muna 2005, apo rakanga ronetsana nenyaya yekuti ndiyani anofanirwa kupihwa mari iyi.

Zvinonzi mari iyi inopiwa kumapato zvichienderana nekuti ane nhengo ngani dziri muparamende.

Mutauriri weMDC T, Douglas VaMwonzora, vanoti havasi kuzotambira kurudziro yekuti vagovane mari neMDC Renewal Team sezvo nhengo dziri kubato iri dzakapinda muparamende netikiti reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaMwonzora vanoti bato ravo ratonyora tsamba kuna VaMnangagwa vachivazivisa pavamire.

Bato reMDC T risati rapatsanuka raive nenhengo makumi mapfumbamwe neimwe dziri muparamende.

Asi huwandu hwenhengo dzakabuda mubato iri dzichienda kuchikwata che MDC Renewal Team kana dzakasara hahunyatsozivikanwi.

Mutauriri weMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti ivo nevamwe vavo havashamisiki nedanho riri kuda kutorwa neMDC T rekurambira mari, sezvo vaine zvakawanda zvavari kurambira.

Asi vanoti pane mukana wekuti vataurirane nevamwe vavo pamusoro pemari iyi.

Vanoti bato ravo ndiro rine nhengo dzakawanda dziri muparamende zvichireva kuti ndiro rinofanirwa kuwana mari yakawanda.

VaMafume vanotiwo vari kunyorerawo VaMnangagwa tsamba vachivazivisawo zvavachaita nemari iyi.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG