Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoverenga Vashandi Vayo Vari Pamudyandigere


Vamwe vevari pamudyandigere ava vari muBulawayo. (Mufananidzo: Taurai Shava)
Vamwe vevari pamudyandigere ava vari muBulawayo. (Mufananidzo: Taurai Shava)

Kuverengwa kwevaive vashandi vehurumende vari pamudyandigere, uko kuri kuitwa nehurumende senzira yekuwongorora huwandu hwevari kutambira mari yehurumende, kwaenderera mberi neChipiri.

Asi vamwe vevari pamudyandigere muBulawayo vanonzi vaichichema-chema zvikuru pamwe nekunyunyuta kuti havana kuwana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirongwa ichi.

Vari pamudyandigere ava vanonzi vakaungana kubvira nguva dzekuma 7 dzemangwanani panze pechikoro cheMilton Junior School, apo panove ndipo pari kuverengerwa vanhu vari pamudyandigere vemudunhu reBulawayo Metropolitan Province.

Vamwe vevakataura neStudio 7 vakati chirongwa ichi hachina kunyatso shambadzwa zvakakwana, vachitiwo havazivi kuti chii chaizvo chavari kufanirwa kunzi vaite, uye ndeapi magwaro avanofanirwa kuve nawo pakunyoreswa uku.

Mumwe weavo vakataura neStudio 7 ndaamai vasina kuda kuti zita ravo riburitswe pamhepo, avo vati vakangoita zvekunzwawo nevamwe vanhu kuti kune chirongwa chakadai.

Amai ava, avo vanoti vakapinda pamudyandigere mushure mekurwara, vati hurumende iri kufanirwa kuve nevashandi vakawanda vari muchirongwa ichi kuti vagokwanisa kukasika kunyoresa vanhu vari pamudyandigere sezvo vazhinji vavo vari vakwegura, vasisakwanise kupedza nguva refu vakamira mumitsetse.

VaOmen Mabingire avo vange vachida kunyoresawo zita ravo vakatsinhirawo kuti vari pamudyandigere vakawanda havana kuwana ruzivo rwakakwana pamusoro pechirongwa ichi.

Asi vati vanoona chirongwa ichi chichibatsira pakubvisa huwori hwavati huri kuitika pakupiwa kwemari yemudyandigere kuvanhu.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi remabasa nekugara zvakanaka kwevanhu pamusoro penyaya iyi.

Hurumende yakazivisa munguva pfupi yapfuura kuti ichaita ongororo yevashandi vehurumende kusanganisira kuverenga vadzidzidzisi muzvikoro senzira yekuedza kuoona kuti hapana vanhu vari kuwana mari yemuhoro vasingafanirwe kuiwana here.

Kuverengwa kwevanhu vari pamudyandigere uko kwakatanga munyika neMuvhuro, kuri kuitwawo pasi pechirongwa ichi uye kunotarisirwa kupera pakupera kwemwedzi waGumiguru.

VaButler Tambo avo vanove chipangamazano musangano rePublic Research Institute of Zimbabwe vanoti chirongwa ichi chakakosha zvikuru uye hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya yevanhu vanowana mihoro yavasingafanirwe kuwana kuitira kuti mari inoshandiswa pakuhoresa vashandi vehurumende idzikire.

Hurumende inoshandisa zvikamu zvinopfuura makumi masere kubva muzana zvemari yainowana mukubhadhara vashandi vayo izvo zvinoita kuti igare ichi netseka pakuwana mari iyi nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi.

Vamwe vanoti imwe yemari iyi yakawanda, iri kuperera kune vanonzi muchirungu ghost workers, vanove vanhu vanowana mari vasiri pamabasa, izvo zvinonzi nehurumende iri kuda kugadzirisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bhanga rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund rinotiwo Zimbabwe inofanira kuderedza zvakanyanya mari iri kubhadharwa vashandi vehurumende kuti isumudzire hupfumi hwayo. Vakawanda vanotiwo hurumende inofanira kumira kupa mari vechidiki veZanu-PF vari kungopihwa mari nehurumende pasina zvavari kuita zvine musoro.

XS
SM
MD
LG